1 Petro 4:8-11
1 Petro 4:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti. Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo. Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
1 Petro 4:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji. Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti. Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari. Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye ano kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
1 Petro 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kupfuura zvimwe zvose rambai muchingodana nokuti rudo runofukidza zvitadzo zvakawanda. Gamuchiranai mudzimba dzenyu pasina kunyunyuta. Mumwe nomumwe wenyu zvaakagamuchira chipo, chishandisiranei savanhu vakapiwa basa rezvikomborero zvakasiyana–siyana naMwari. Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni.
1 Petro 4:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji. Itiranai ruɗo pakati penyu kana muri ʋaeni, musiŋganyunyuti. Mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa cipo cenyasha, shumiranai naco saʋatariri ʋakanaka ʋenyasha zhinji dzaMŋari. Kana munhu acitaura, ŋgaataure saaneŋge ari mashoko aMŋari; kana munhu acishumira, ŋgaɀiitwe senesimba raanopiwa naMŋari; kuti Mŋari akudzwe paɀose naJesu Kristu, iye unokubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
1 Petro 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)