1 Petro 2:8-9
1 Petro 2:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo. Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.
1 Petro 2:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
uye, “Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza.” Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo. Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.
1 Petro 2:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamwewo panoti, ‘Iri ndiro dombo richagumbura vanhu, ibwe richaita kuti vaputsike.’ ” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko sokurongerwa kwavakaitwa. Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa.
1 Petro 2:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋuye Ibge rokugumbusa, Neɗombo rokupiŋganidza; ndiʋo aʋo ʋanogumburwa neshoko, nokuti haʋaritereri; ndiɀo ɀaʋakaisirwa ʋo. Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa.
1 Petro 2:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)