1 Petro 2:1-3
1 Petro 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose. Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.
1 Petro 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose. Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso. Nokuti “Makaravira mutsa waTenzi.”
1 Petro 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo rasai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namanomano, negodo, nokuchera kwose, savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa; kuti mukure nawo, mugoponeswa; kana makaravira kuti Ishe anomwoyo munyoro.
1 Petro 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose. Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso. Nokuti “Makaravira mutsa waTenzi.”
1 Petro 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose, saʋacece ʋacaŋgoɓerekwa, paŋgai mukaka womŋeya, usina‐kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa; kana makaraʋira kuti Ishe unomŋoyo munyoro.