1 Madzimambo 8:54-57
1 Madzimambo 8:54-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi. Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.

1 Madzimambo 8:54-57 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nezwi guru, akati, “Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. “Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha
1 Madzimambo 8:54-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga. Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti, “Tenzi ngaarumbidzwe akazorodza vanhu vake vaIsiraeri akaita zvose zvaakatsidza pasina kana chimwe zvacho chisina kuitika pazvinhu zvose zvakanaka zvaakatsidza nomuromo womuranda wake Mosesi. Tenzi, Mwari wedu ngaave nesu sokuva kwaaimbovawo namadzitateguru edu. Dai akarega kutisiya kana kutifuratira
1 Madzimambo 8:54-57 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera kunaJehova munyeŋgetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi peartari yaJehova, paakaŋga akafugama namabvi ake, maʋoko ake akatambanudzirwa kuɗeŋga. Akamira akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri nenzwi guru, akati: Jehova ŋgaakudzwe, wakapa ʋanhu ʋake kuzorora, seɀaakatipikira ɀose; hapaneshoko rimŋe paɀose ɀakanaka ɀaakatipikira rakakona, iɀo ɀaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. Jehova Mŋari weɗu ŋgaaʋe nesu, seɀaaiʋa namadziɓaɓa eɗu; ŋgaarege kutisiya, kana kutirasha
1 Madzimambo 8:54-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)