1 Madzimambo 8:22-61
1 Madzimambo 8:22-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi. “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’ Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike. “Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai! Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi. Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera. “Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake. “Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino, ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo. “Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga, ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya, uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose), kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu. “Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu, nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu, ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. “Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo; uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’ uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu; ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi; nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto. “Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri. Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.” Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi. Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa. Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu. Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva, kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe. Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.”

1 Madzimambo 8:22-61 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. “Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi. Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwe munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’ Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu. “Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga‐denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka! Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi; meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, ‘Zita rangu richagarapo;’ inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu. Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino, inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino; inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo. “Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova; inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo. “Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo; kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva mwoyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva mwoyo yavana vavanhu vose; kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo panyika yamakapa madzibaba edu. “Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu; nokuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu. “Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu, inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire. “Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedyo; kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, ‘Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;’ kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu. “Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kwose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha; nokuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Ijipiti pakati pevira ramatare; meso enyu ngaawone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe nguva ipi neipi yavanochema kwamuri. “Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.” Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nezwi guru, akati, “Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. “Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha; kuti arerekese mwoyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu. Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe; kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.” Naizvozvo mwoyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.
1 Madzimambo 8:22-61 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno. Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi zvaakavataurira achiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vafambawo mberi kwangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe. Saka zvino imi Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi ngarichiitika.’ “Chaizvo chaizvo Mwari angaite panyika pano kuti pave musha wake nhai! Inga wani denga kana iwo matengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko kutozoti imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu. Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri nhasi uno kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakati, ‘Ichadaidzwa nezita rangu,’ kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandiri kuitira nzvimbo ino. Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere. “Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno, pakadaro apo imi teererai muri kudenga ikoko muwane chamungaite nazvo. Muteme zvinowirirana nemhosva yacho, ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai vakange vadzokerazve kwamuri, vokuzivaizve zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno, vanzwei kudenga ikoko muregerere vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo. “Kana denga richinge rapfigwa rarega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakaringa kunzvimbo ino, vavakukuzivai zvino nezita vakakanda pasi chitadzo chavo, imi manga mambovaonesa nhamo, vanzwei kudenga ikoko, muregerere muranda wenyu, navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo, muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo. “Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno muguta ravo ripi zvaro kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho, vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo make akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho, munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregerewo muwane chimwe chamungaite nazvo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make, mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu) kuitira kuti vagare vachikutyai misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo. “Pamusana pezita renyu muitewo zvimwechetezvo nomutorwa, wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru nezvoukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, akauya kuzonamata akaringa kumba ino, imi munzweiwo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi ose avanhu vapanyika pano vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandavaka yakaiswa zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kunemi Tenzi vakaringa kuguta rino ramakasarudza vakaringawo kumba iyi yandakavakira zita renyu, vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo. “Kana vakaita chitadzo kwamuri, sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika yavavengi vavo iri kure kana pedyo, kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika youtapwa imomo vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika youtapwa iyoyo vachiti, ‘Takatadza tikaita zvakaipa tikave vasina kururama;’ kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo vari munyika yavavengi vavo vanyakuvatapa, vakanamata kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu; vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai, muvaregererewo zvikanganiso zvavakakukanganisirai nazvo mupe kuti vanyakuvatapa vacho vavaitire tsiye nyoro, nokuti vanhu venyu, inhaka yenyu iyi, vanhu vamakaburitsa kuIjipiti mukati mevira nomoto wesimbi. Meso enyu atarise misodzi yezvichemo zvomuranda wenyu atarisewo misodzi yezvichemo zvevanhu venyu vaIsiraeri murerekere nzeve dzenyu kwavari pose pavanochema kwamuri nokuti imi Tenzi Mwari makavatsaura mukati memarudzi ose apanyika pano kuti vave nhaka yenyu sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa madzitateguru edu kuIjipiti.” Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga. Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti, “Tenzi ngaarumbidzwe akazorodza vanhu vake vaIsiraeri akaita zvose zvaakatsidza pasina kana chimwe zvacho chisina kuitika pazvinhu zvose zvakanaka zvaakatsidza nomuromo womuranda wake Mosesi. Tenzi, Mwari wedu ngaave nesu sokuva kwaaimbovawo namadzitateguru edu. Dai akarega kutisiya kana kutifuratira aite kuti titorwe mwoyo naye tifambe mumakwara ake tichengete mitemo yake nemirao yake nezvirevo zvake zvaakaudza madzibaba edu kuti zvichengetwe. Dai mazwi angu aya andataura pakuisa chichemo changu kuna Tenzi angoramba waro ari paari iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati uyewo muitire muranda wenyu navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge vachichemedzeka nazvo zvavanenge vamuturira pazuvaro kuitira kuti marudzi ose apasi pano azive kuti Tenzi ndiye Mwari, hakuna mumwe. Dai imi nomwoyo wose mangova mukombe nechirongo naTenzi, Mwari wedu mutevedze mirao yake muchengete mitemo yake sezvazviri nhasi uno.”
1 Madzimambo 8:22-61 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Soromoni akamira pamberi peartari yaJehova, pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga, akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose. Imi makaitira muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukaɀiita noruʋoko rwenyu, seɀaɀakaita nhasi. Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu, seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu. Naiɀoɀo ɀino, Mŋari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu. Ko mukati Mŋari uŋgagara panyika here? Tarira, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga haɀiŋgamuriŋgani; ndoɗa imba ino yandakaʋaka! Kunyaŋge ɀakaɗaro, iʋai nehanya nomunyeŋgetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehova Mŋari waŋgu, munzwe kuɗanidzira nokunyeŋgetera kwomuranda wenyu, kwaanonyeŋgetera pamberi penyu nhasi; meso enyu arambe acirindira imba ino ʋusiku namasikati, nɀimbo iyi yamakataura pamsoro payo, muciti: Zita raŋgu ricagara’po; inzwai munyeŋgetero womuranda wenyu waanozonyeŋgetera akatarira kunɀimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino; ɗonzwai henyu iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu. Kana munhu aciŋge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akaʋuya akapika pamberi peartari yenyu muimba ino, inzwai iko kuɗeŋga, muite, mururamisire ʋaranda ʋenyu, mupe wakaipa mhoȿa, arobge pamsoro pomufambire wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe ɀakafanira kururama kwake. Kana ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri ʋaciŋge ʋakundwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri, ʋakatenda zita renyu, ʋakanyeŋgetera kwamuri nokukumbira muimba ino; inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, muʋadzosere ɀe kunyika yamakapa madziɓaɓa aʋo. Kana ɗeŋga riciŋge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino, ʋakatenda zita renyu, ʋakatendeʋuka paɀiʋi ɀaʋo, nokuti muneŋge maʋaroʋa; inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋaranda ʋenyu, neɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, nokuti munoʋadzidzisa nzira yakanaka yaʋanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa ʋanhu ʋenyu kuti iʋe nhaka yaʋo. Kana nzara ikaʋa’po panyika, kana ɗenda rikaʋa’po, kana nyunji nokuvuva ɀikaʋa’po, nemhashu nehonye; kana ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋakomba panyika inamaguta aʋo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikaʋa’po; kana munhu upi noupi, kana ʋanhu ʋenyu ʋose ʋaIsraeri ʋakanyeŋgetera kana kukumbira, mumŋe nomumŋe aciziʋa kutambudzika kuri pamŋoyo pake, akatambanudzira maʋoko ake kuimba ino; inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, mukaŋganwire, muite, muripire mumŋe nomumŋe ɀakafanira mufambire wake wose, iye wamunoziʋa mŋoyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziʋa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu ʋose; kuti ʋakutyei mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo panyika yamakapa madziɓaɓa eɗu. Ɀino kana ari mutorwa, asati ari waʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuɗa kwezita renyu; nokuti ʋacazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuʋoko rwenyu runesimba, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa — kana akaʋuya akanyeŋgetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose seɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu. Kana ʋanhu ʋenyu ʋakandorwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakaenda nenzira ipi neipi yamucaʋatuma nayo, ʋakanyeŋgetera kunaJehova ʋakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu, inzwai henyu iko kuɗeŋga kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire. Kana ʋakakutadzirai, (nokuti hakunomunhu usiŋgatadzi), mukaʋatsamŋira, mukaʋaisa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakatapxa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, kure kana pedyo; kana ʋakazoɀifuŋga kunyika kwaʋakatapirwa, ʋakadzoka ɀe, ʋakakumbira kwamuri panyika yaʋatapi ʋaʋo, ʋaciti: Tatadza, taita ɀakaipa, taita ɀisakarurama; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya waʋo wose, panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋatapa; kana ʋakanyeŋgetera kwamuri ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu; inzwai henyu kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo iko kuɗeŋga kwamunogara, muʋaruramisire; mukaŋganwire ʋanhu ʋenyu ʋakakutadzirai, nokuɗarika kwaʋo kwose, kwaʋakaɗarika nako kwamuri; muʋawanise tsitsi kunaʋakaʋatapa, kuti ʋaʋanzwire nyasha; nokuti ndiʋo ʋanhu ʋenyu, nenhaka yenyu, yamakaɓuɗisa Egipita pakati peʋira ramatare; meso enyu ŋgaaʋone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kuti muʋanzwe ŋguʋa ipi neipi yaʋanocema kwamuri. Nokuti imi Jehova, makaʋatsaura kundudzi dzose dzenyika, ʋaʋe nhaka yenyu, seɀamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, ŋguʋa yamakaɓuɗisa madziɓaɓa eɗu paEgipita. Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera kunaJehova munyeŋgetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi peartari yaJehova, paakaŋga akafugama namabvi ake, maʋoko ake akatambanudzirwa kuɗeŋga. Akamira akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri nenzwi guru, akati: Jehova ŋgaakudzwe, wakapa ʋanhu ʋake kuzorora, seɀaakatipikira ɀose; hapaneshoko rimŋe paɀose ɀakanaka ɀaakatipikira rakakona, iɀo ɀaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. Jehova Mŋari weɗu ŋgaaʋe nesu, seɀaaiʋa namadziɓaɓa eɗu; ŋgaarege kutisiya, kana kutirasha; kuti arerekese mŋoyo yeɗu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, ticeŋgete mirairo yake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, iɀo ɀaakaraira madziɓaɓa eɗu. Ɀino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehova, ŋgaagare pedyo naJehova Mŋari weɗu masikati noʋusiku, aruramisire muranda wake, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri, panoɗikanwa napo zuʋa rimŋe nerimŋe; kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari, hakunomumŋe. Naiɀoɀo mŋoyo yenyu iʋe yakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari weɗu, mufambe paneɀaakatema, nokuceŋgeta mirairo yake, seɀamunoita nhasi.
1 Madzimambo 8:22-61 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)