1 Madzimambo 8:1-66
1 Madzimambo 8:1-66 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi. Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe. Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka, uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura, uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi. Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti. Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha. Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru; zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.” Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. Zvino akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako. Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’ “Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.” Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri, akatambanudza maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari weIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kumusoro kudenga kana pasi panyika, imi munochengeta sungano yorudo yavaranda venyu vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; makavimbisa nomuromo wenyu uye mazvizadzisa noruoko rwenyu sezvazviri nhasi. “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, zvivimbiso zvamakamuitira pamakati, ‘Pamberi pangu hapangazoshayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe cheIsraeri, kana vana vako vakachenjera pane zvose zvavanoita, vakafamba pamberi pangu sezvawakaita iwe.’ Naizvozvo zvino, haiwa Mwari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu ramakavimbisa kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu riitike. “Chingava chokwadi here kuti Mwari angagara panyika? Tarirai, matenga kana nokudengadenga hazvingagoni kukukwanai. Ko, kuzoti temberi iyi yandakuvakirai! Kunyange zvakadaro, teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake, haiwa Jehovha Mwari wangu. Inzwai kudanidzira nomunyengetero uri kuitwa nomuranda wenyu pamberi penyu nhasi. Meso enyu ngaarambe akatarisa temberi iyi usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura muchiti, ‘Zita rangu richavapo,’ kuti muzonzwa munyengetero unonamatwa nomuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera. “Kana munhu achinge atadzira muvakidzani wake, akanzi apike mhiko uye akauya akapika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake. “Kana vanhu venyu Israeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nokuti vakutadzirai, uye vakadzokazve kwamuri, vakapupura zita renyu, vakanamata nokukumbira kwamuri mutemberi, ino, ipapo inzwai muri kudenga mugoregerera chivi chavanhu venyu Israeri, uye mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo. “Kana denga richinge razarirwa mvura ikasanaya nokuti vanhu venyu vakutadzirai, pavanonamata vakatarisa kunzvimbo ino, uye vakapupura zita renyu, vakatendeuka kubva kuchivi chavo nokuti mavaranga, ipapo inzwai muri kudenga uye mugoregerera chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira yakanaka yavanofanira kurarama nayo, uye nayisai mvura panyika yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo. “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana muhuvhe, mhashu, kana ndongwe kana muvengi wavo akavakomba mune ripi zvaro ramaguta avo, zvisinei kuti inyatwa ipi kana kuti idenda ripi rauya, uye, kana munyengetero kana chikumbiro chaitwa naani zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achiziva zvinomutambudza mumwoyo make, akatambanudzira maoko ake kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara. Regererai mugowana zvamunoita; mugoitira mumwe nomumwe maererano nazvose zvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi chete ndimi munoziva zviri mumwoyo momunhu wose), kuti vakutyei mazuva ose avanorarama panyika yamakapa madzibaba edu. “Zvino kana ari mutorwa, asiri wavanhu venyu Israeri asi anouya achibva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu, nokuti vanhu vachanzwa nezvezita renyu guru, ruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, paanouya akanyengetera akatarisa kutemberi ino, ipapo inzwai muri kudenga kwamunogara, uye mugoita chinhu chipi nechipi chinokumbirwa kwamuri nomutorwa uyu, kuti marudzi ose enyika azive zita renyu uye agokutyai, sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwa navavengi vavo, kwose kwamunovatuma, uye pavanonyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu, ipapo muri kudenga, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. “Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, imi mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko omuvengi, uye akavaita nhapwa munyika yake, kure kana pedyo; uye kana vakapinduka pamwoyo munyika umo mavari nhapwa, uye vakatendeuka nokudemba kwamuri munyika yavatapi vavo, vakati, ‘Takaita, zvakaipa zvisakarurama;’ uye kana vakadzokera kwamuri nomwoyo nomweya wavo wose munyika yavavengi vavo avo vakavatapa vakanyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza netemberi yandavakira Zita renyu; ipapo, muri kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nechikumbiro chavo, uye mugovabatsira pane zvavanorwira. Muregerere vanhu venyu, vakakutadzirai; muvaregerere pamhosva dzose dzavakapara kwamuri, mugoita kuti vakavatapa vavanzwire tsitsi; nokuti vanhu venyu nenhaka yenyu vamakabudisa kubva muIjipiti, vira romoto. “Meso enyu ngaaone chikumbiro chomuranda wenyu nechikumbiro chavanhu venyu Israeri, uye muteerere kwavari nguva dzose pavanochema kwamuri. Nokuti makavasarudza pamarudzi ose enyika kuti vave nhaka yenyu, sezvamakataura nokumuranda wenyu Mozisi, imi Jehovha Mwari, pamakabudisa madzibaba edu kubva muIjipiti.” Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yeIsraeri nenzwi guru akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi. Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa. Ngaaite kuti mwoyo yedu yose ive yake, kuti tifambe munzira dzake dzose tichichengeta mirayiro, mitemo nezvaakareva izvo zvaakapa madzibaba edu. Zvino mashoko angu aya, andanyengetera pamberi paJehovha, ngaave pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti asimudzire zvinorwirwa nomuranda wake nezvinorwirwa navanhu vake Israeri nezvinenge zvichidiwa zuva nezuva, kuti vanhu vose vapanyika vazive kuti Jehovha ndiMwari, uye kuti hakuna mumwe. Asi mwoyo yenyu inofanira kuva yakapiwa zvachose kuna Jehovha Mwari wedu, kuti murarame nemitemo yake uye muteerere mirayiro yake sezvamuri kuita iye zvino.” Zvino mambo navaIsraeri vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha. Soromoni akabayira chibayiro chezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha; zviuru makumi maviri nezviviri zvemombe nezviuru zana namakumi maviri zvamakwai nembudzi. Saizvozvo mambo navaIsraeri vose vakakumikidza temberi yaJehovha. Musi iwoyo mambo akakumikidza chikamu chapakati chechivanze chaiva pamberi petemberi yaJehovha, uye ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yakanga yakanyanya kuita duku kuti ikwane zvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, namafuta ezvipiriso zvokuwadzana. Saka Soromoni akaita mutambo uyu panguva iyoyo, neIsraeri yose pamwe chete naye, ungano huru kwazvo, vanhu vachibva kuRebho Hamati vachisvika kuWadhi yeIjipiti. Vakaupemberera pamberi paJehovha Mwari wedu kwamazuva manomwe namamwe manomwe pamusoro, mazuva gumi namana pamwe chete. Pazuva rakatevera akaita kuti vanhu vaende. Vanhu vakaropafadza mambo vakaenda kumisha yavo vane rufaro mumwoyo mavo nokuda kwezvinhu zvakanaka zvose Jehovha zvaakanga aitira muranda wake Dhavhidhi navanhu vake Israeri.
1 Madzimambo 8:1-66 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni. Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe. Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapristi vakasimudza areka. Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapristi navaRevhi vakakwira nayo. Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene‐tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi. Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro. Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi. Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika yeIjipiti. Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha, naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru. Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.” Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka. Akati, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti, ‘Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, “Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.” Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti. Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga, akati, “Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomwoyo wavo wose. “Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi. Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, ‘Haungashaiwe munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.’ Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu. “Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga‐denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka! Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi; meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, ‘Zita rangu richagarapo;’ inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu. Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino, inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino; inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo. “Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova; inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo. “Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo; kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva mwoyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva mwoyo yavana vavanhu vose; kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo panyika yamakapa madzibaba edu. “Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu; nokuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu. “Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu, inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire. “Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedyo; kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, ‘Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;’ kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu. “Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kwose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha; nokuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Ijipiti pakati pevira ramatare; meso enyu ngaawone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe nguva ipi neipi yavanochema kwamuri. “Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.” Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nezwi guru, akati, “Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. “Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha; kuti arerekese mwoyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu. Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedyo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe; kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.” Naizvozvo mwoyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi. Zvino mambo navaIsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha. Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo. Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana. Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.
1 Madzimambo 8:1-66 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. Saizvozvo varume vose vechiIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamazuva makuru emwedzi waEtanimu, mwedzi wechinomwe. Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vapristi vakandotakura bhokisi rechitenderano. Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe iroro rokusanganira. Vapristi navaRevhi ndovakauya nazvo. Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro munzvimbo inoera mukamba kwomukatikati kemba iyoyi, munzimbo inoeresesa nechepasi pamapapiro emakerubhu aye. Chaivapo ndechokuti makerubhu iwayo akanga akatambanudza mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. Mapango aya aiva akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange nomunhu ari munzvimbo inoera tisati tapinda munzvimbo inoera. Asi akanga asingaonekwe nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti. Vapristi pavakabuda munzvimbo inoera muya gore rakazadza imba yaTenzi zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iri nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyi. Soromoni akati, “Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira zvake kugara mugore rakati kwirindindi. Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba, ino chaiyo, inomukurumbira, musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.” Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira. Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti, ‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo. Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’ Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi. Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.” Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomoyo wose, semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno. Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi zvaakavataurira achiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vafambawo mberi kwangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe. Saka zvino imi Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi ngarichiitika.’ “Chaizvo chaizvo Mwari angaite panyika pano kuti pave musha wake nhai! Inga wani denga kana iwo matengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko kutozoti imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu. Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri nhasi uno kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakati, ‘Ichadaidzwa nezita rangu,’ kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandiri kuitira nzvimbo ino. Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere. “Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno, pakadaro apo imi teererai muri kudenga ikoko muwane chamungaite nazvo. Muteme zvinowirirana nemhosva yacho, ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake. “Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai vakange vadzokerazve kwamuri, vokuzivaizve zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno, vanzwei kudenga ikoko muregerere vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo. “Kana denga richinge rapfigwa rarega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakaringa kunzvimbo ino, vavakukuzivai zvino nezita vakakanda pasi chitadzo chavo, imi manga mambovaonesa nhamo, vanzwei kudenga ikoko, muregerere muranda wenyu, navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo, muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo. “Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno muguta ravo ripi zvaro kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho, vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo make akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho, munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregerewo muwane chimwe chamungaite nazvo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make, mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu) kuitira kuti vagare vachikutyai misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo. “Pamusana pezita renyu muitewo zvimwechetezvo nomutorwa, wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru nezvoukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, akauya kuzonamata akaringa kumba ino, imi munzweiwo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi ose avanhu vapanyika pano vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandavaka yakaiswa zita renyu. “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kunemi Tenzi vakaringa kuguta rino ramakasarudza vakaringawo kumba iyi yandakavakira zita renyu, vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo. “Kana vakaita chitadzo kwamuri, sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika yavavengi vavo iri kure kana pedyo, kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika youtapwa imomo vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika youtapwa iyoyo vachiti, ‘Takatadza tikaita zvakaipa tikave vasina kururama;’ kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo vari munyika yavavengi vavo vanyakuvatapa, vakanamata kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu; vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai, muvaregererewo zvikanganiso zvavakakukanganisirai nazvo mupe kuti vanyakuvatapa vacho vavaitire tsiye nyoro, nokuti vanhu venyu, inhaka yenyu iyi, vanhu vamakaburitsa kuIjipiti mukati mevira nomoto wesimbi. Meso enyu atarise misodzi yezvichemo zvomuranda wenyu atarisewo misodzi yezvichemo zvevanhu venyu vaIsiraeri murerekere nzeve dzenyu kwavari pose pavanochema kwamuri nokuti imi Tenzi Mwari makavatsaura mukati memarudzi ose apanyika pano kuti vave nhaka yenyu sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa madzitateguru edu kuIjipiti.” Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga. Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti, “Tenzi ngaarumbidzwe akazorodza vanhu vake vaIsiraeri akaita zvose zvaakatsidza pasina kana chimwe zvacho chisina kuitika pazvinhu zvose zvakanaka zvaakatsidza nomuromo womuranda wake Mosesi. Tenzi, Mwari wedu ngaave nesu sokuva kwaaimbovawo namadzitateguru edu. Dai akarega kutisiya kana kutifuratira aite kuti titorwe mwoyo naye tifambe mumakwara ake tichengete mitemo yake nemirao yake nezvirevo zvake zvaakaudza madzibaba edu kuti zvichengetwe. Dai mazwi angu aya andataura pakuisa chichemo changu kuna Tenzi angoramba waro ari paari iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati uyewo muitire muranda wenyu navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge vachichemedzeka nazvo zvavanenge vamuturira pazuvaro kuitira kuti marudzi ose apasi pano azive kuti Tenzi ndiye Mwari, hakuna mumwe. Dai imi nomwoyo wose mangova mukombe nechirongo naTenzi, Mwari wedu mutevedze mirao yake muchengete mitemo yake sezvazviri nhasi uno.” Mambo navaIsiraeri vose vaaiva navo vakazopira zvibayiro kunaTenzi. Soromoni akapira kuna Tenzi mipiro yokuwadzana yemombe zviuru makumi maviri zvine zviuru zviviri uyewo zviuru zvehwai zvaiita zana rina makumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose veIsiraeri vakateketera imba iyoyi kuna Tenzi. Musi wakarewo mambo akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi macho. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendarira yaiva ipapo paiva naTenzi yakaita diki kuti ipirirwepo mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Naizvozvo, panguva iyoyo, Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo gungano guru kwazvo vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe ndokuitazve mamwe mazuva manomwe, ose pamwechete akaita mazuva gumi namana vari pana Tenzi, Mwari wedu. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kukakova keIjipiti. Pazuva rechisere mambo akaparadza musasa oonekana navanhu. Vanhu vakarumbidza mambo vakaenda kumisha yavo mwoyo yavo isingagone nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvakaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuvanhu vake vaIsiraeri.
1 Madzimambo 8:1-66 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Soromoni wakaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, kunamambo Soromoni paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova, ibve paguta raDavidi, iro Zioni. Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kunamambo Soromoni pamutambo pamŋedzi weEtanimi, ndiwo mŋedzi wecinomŋe. Ipapo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya, ʋaprista ʋakasimudza areka. Ʋakakwira neareka yaJehova netente rokusoŋgana, nemidziyo mitȿene yose yaiʋa muTente, ʋaprista naʋaRevi ʋakakwira nayo. Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba naye pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo. Ipapo ʋaprista ʋakagadzika areka yesuŋgano yaJehova panɀimbo yayo, panɀimbo tȿene yeimba, panɀimbo tȿene‐tȿene, ipo panyasi pamapapiro amakerubi. Nokuti makerubi akatambanudza mapapiro awo pamsoro penɀimbo yeareka, makerubi akafukidza areka namatanda ayo necokumsoro. Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari panɀimbo tȿene pamberi penɀimbo paŋgataura Jehova; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; aciri’po kuȿikira nhasi. Mukati meareka makaŋga musisinecinhu, asi mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋaprista ʋakati ʋaɓuɗa panɀimbo tȿene, gore rikazadza imba yaJehova, naiɀoɀo ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira paɓasa nokuɗa kwegore; nokuti kubginya kwaJehova kwakazadza imba yaJehova. Ipapo Soromoni akati: Jehova wakati, ndinoɗa kugara mukati merima guru. Ɀirokwaɀo, ndakakuʋakirai imba pamuŋgagara, nɀimbo mamuŋgagara nokusiŋgaperi. Ɀino mambo akatendeʋudza ciso cake, akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri; ʋuŋgano yose yaIsraeri ikasimuka. Akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, akaɀizadzisa noruʋoko rwake, aciti: Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; asi ndakatsaura Davidi aɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo, asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba. Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nɀimbo, imo munesuŋgano yaJehova, yaakaita namadziɓaɓa eɗu paŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita. Ɀino Soromoni akamira pamberi peartari yaJehova, pamberi peʋuŋgano yose yaIsraeri, akatambanudzira maʋoko ake kuɗeŋga, akati: Jehova, Mŋari waIsraeri, hakunomumŋe Mŋari wakafanana nemi kuɗeŋga kumsoro kana panyika pasi; munoraŋgarira suŋgano nenyasha kuʋaranda ʋenyu, ʋanofamba pamberi penyu nomŋoyo waʋo wose. Imi makaitira muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, seɀamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukaɀiita noruʋoko rwenyu, seɀaɀakaita nhasi. Naiɀoɀo ɀino, Jehova Mŋari waIsraeri, itirai muranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu seɀamakamupikira, muciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri pamberi paŋgu, kana ʋana ʋako ʋakaŋgwarira kufamba kwaʋo, ʋakafamba pamberi paŋgu, seɀawakafamba iwe pamberi paŋgu. Naiɀoɀo ɀino, Mŋari waIsraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Davidi ɓaɓa ʋaŋgu. Ko mukati Mŋari uŋgagara panyika here? Tarira, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga haɀiŋgamuriŋgani; ndoɗa imba ino yandakaʋaka! Kunyaŋge ɀakaɗaro, iʋai nehanya nomunyeŋgetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehova Mŋari waŋgu, munzwe kuɗanidzira nokunyeŋgetera kwomuranda wenyu, kwaanonyeŋgetera pamberi penyu nhasi; meso enyu arambe acirindira imba ino ʋusiku namasikati, nɀimbo iyi yamakataura pamsoro payo, muciti: Zita raŋgu ricagara’po; inzwai munyeŋgetero womuranda wenyu waanozonyeŋgetera akatarira kunɀimbo ino. Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana ʋacizonyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino; ɗonzwai henyu iko kuɗeŋga, kwamunogara; ɀino kana mukanzwa, muʋakaŋganwire henyu. Kana munhu aciŋge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akaʋuya akapika pamberi peartari yenyu muimba ino, inzwai iko kuɗeŋga, muite, mururamisire ʋaranda ʋenyu, mupe wakaipa mhoȿa, arobge pamsoro pomufambire wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe ɀakafanira kururama kwake. Kana ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri ʋaciŋge ʋakundwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri, ʋakatenda zita renyu, ʋakanyeŋgetera kwamuri nokukumbira muimba ino; inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, muʋadzosere ɀe kunyika yamakapa madziɓaɓa aʋo. Kana ɗeŋga riciŋge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋakutadzirai; kana ʋakanyeŋgetera ʋakatarira kunɀimbo ino, ʋakatenda zita renyu, ʋakatendeʋuka paɀiʋi ɀaʋo, nokuti muneŋge maʋaroʋa; inzwai iko kuɗeŋga, mukaŋganwire ɀiʋi ɀaʋaranda ʋenyu, neɀaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, nokuti munoʋadzidzisa nzira yakanaka yaʋanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa ʋanhu ʋenyu kuti iʋe nhaka yaʋo. Kana nzara ikaʋa’po panyika, kana ɗenda rikaʋa’po, kana nyunji nokuvuva ɀikaʋa’po, nemhashu nehonye; kana ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋakomba panyika inamaguta aʋo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikaʋa’po; kana munhu upi noupi, kana ʋanhu ʋenyu ʋose ʋaIsraeri ʋakanyeŋgetera kana kukumbira, mumŋe nomumŋe aciziʋa kutambudzika kuri pamŋoyo pake, akatambanudzira maʋoko ake kuimba ino; inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, mukaŋganwire, muite, muripire mumŋe nomumŋe ɀakafanira mufambire wake wose, iye wamunoziʋa mŋoyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziʋa mŋoyo yaʋana ʋaʋanhu ʋose; kuti ʋakutyei mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo panyika yamakapa madziɓaɓa eɗu. Ɀino kana ari mutorwa, asati ari waʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuɗa kwezita renyu; nokuti ʋacazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuʋoko rwenyu runesimba, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa — kana akaʋuya akanyeŋgetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kuɗeŋga kwamunogara, muitire mutorwa ɀose seɀaanokumbira, kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe zita renyu, ʋakutyei, seɀinoita ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋaziʋe kuti imba ino yandakaʋaka yakatumidzwa zita renyu. Kana ʋanhu ʋenyu ʋakandorwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakaenda nenzira ipi neipi yamucaʋatuma nayo, ʋakanyeŋgetera kunaJehova ʋakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu, inzwai henyu iko kuɗeŋga kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo, muʋaruramisire. Kana ʋakakutadzirai, (nokuti hakunomunhu usiŋgatadzi), mukaʋatsamŋira, mukaʋaisa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakatapxa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, kure kana pedyo; kana ʋakazoɀifuŋga kunyika kwaʋakatapirwa, ʋakadzoka ɀe, ʋakakumbira kwamuri panyika yaʋatapi ʋaʋo, ʋaciti: Tatadza, taita ɀakaipa, taita ɀisakarurama; kana ʋakadzokera ɀe kwamuri nomŋoyo waʋo wose, nomŋeya waʋo wose, panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋatapa; kana ʋakanyeŋgetera kwamuri ʋakatarira kunyika yaʋo, yamakapa madziɓaɓa aʋo, kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakaʋakira zita renyu; inzwai henyu kunyeŋgetera kwaʋo nokukumbira kwaʋo iko kuɗeŋga kwamunogara, muʋaruramisire; mukaŋganwire ʋanhu ʋenyu ʋakakutadzirai, nokuɗarika kwaʋo kwose, kwaʋakaɗarika nako kwamuri; muʋawanise tsitsi kunaʋakaʋatapa, kuti ʋaʋanzwire nyasha; nokuti ndiʋo ʋanhu ʋenyu, nenhaka yenyu, yamakaɓuɗisa Egipita pakati peʋira ramatare; meso enyu ŋgaaʋone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, kuti muʋanzwe ŋguʋa ipi neipi yaʋanocema kwamuri. Nokuti imi Jehova, makaʋatsaura kundudzi dzose dzenyika, ʋaʋe nhaka yenyu, seɀamakataura nomuromo waMosesi muranda wenyu, ŋguʋa yamakaɓuɗisa madziɓaɓa eɗu paEgipita. Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera kunaJehova munyeŋgetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi peartari yaJehova, paakaŋga akafugama namabvi ake, maʋoko ake akatambanudzirwa kuɗeŋga. Akamira akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri nenzwi guru, akati: Jehova ŋgaakudzwe, wakapa ʋanhu ʋake kuzorora, seɀaakatipikira ɀose; hapaneshoko rimŋe paɀose ɀakanaka ɀaakatipikira rakakona, iɀo ɀaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake. Jehova Mŋari weɗu ŋgaaʋe nesu, seɀaaiʋa namadziɓaɓa eɗu; ŋgaarege kutisiya, kana kutirasha; kuti arerekese mŋoyo yeɗu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, ticeŋgete mirairo yake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, iɀo ɀaakaraira madziɓaɓa eɗu. Ɀino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehova, ŋgaagare pedyo naJehova Mŋari weɗu masikati noʋusiku, aruramisire muranda wake, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri, panoɗikanwa napo zuʋa rimŋe nerimŋe; kuti ʋanhu ʋose ʋenyika ʋaziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari, hakunomumŋe. Naiɀoɀo mŋoyo yenyu iʋe yakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari weɗu, mufambe paneɀaakatema, nokuceŋgeta mirairo yake, seɀamunoita nhasi. Ɀino mambo naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye ʋakaɓayira ɀiɓayiro pamberi paJehova. Soromoni akaɓayira ɀipiriso ɀokuyananisa, ɀaakaɓayira Jehova, nzombe dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri, namakwai aneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri. Naiɀoɀo mambo naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakatsaurira Jehova imba iyo. Nomusi uyo mambo akatsaura ʋo nɀimbo yapakati yoruʋazhe rwakaŋga ruri pamberi peimba yaJehova; nokuti ndipo paakaɓayira cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa; nokuti artari yendarira, yaiʋa pamberi paJehova, yakaŋga iri ɗuku kwaɀo, isiŋgagoni kuriŋgana cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa. Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo ŋguʋa iyo yose, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ʋakaita ʋuŋgano huru, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira parukoʋa rweEgipita, pamberi paJehova Mŋari weɗu, mazuʋa manomŋe namazuʋa manomŋe ɀe, ndiwo mazuʋa anegumi namanna. Pazuʋa rorusere akaendisa ʋanhu, iʋo ʋakatenda mambo, ʋakaenda kumatente aʋo nemŋoyo yakaŋga icifara, icifarira ɀakanaka ɀose ɀakaŋga ɀaitirwa Davidi muranda wake naIsraeri ʋanhu ʋake naJehova.
1 Madzimambo 8:1-66 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)