Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 8:1-21

1 Madzimambo 8:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi. Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe. Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka, uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura, uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi. Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti. Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha. Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha ati anoda kugara mukati merima guru; zvirokwazvo ndakuvakirai temberi yakanakisisa, nzvimbo yamungagara nokusingaperi.” Ungano yose yaIsraeri imire ipapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. Zvino akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo ashandisa ruoko rwake kuzadzisa zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muIjipiti, handina kusarudza guta rorudzi rupi rweIsraeri kuti ndivake temberi, kuti Zita rangu rive ipapo, asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu Israeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi, mumwoyo mavo vaida kuvakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti zvakanga zviri mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi, wakaita zvakanaka kuva naizvozvo mumwoyo mako. Kunyange zvakadaro, iwe hausi kuzovaka temberi iyi, asi mwanakomana wako, wauchabereka ndiye achavakira Zita rangu temberi.’ “Jehovha achengeta chivimbiso chaakaita: ini ndatevera panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, uye zvino ndigere pachigaro chokutonga chaIsraeri, sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndavakira Zita raJehovha, Mwari weIsraeri, temberi. Imomo ndakagadzira nzvimbo yeareka, iyo ine sungano yaJehovha yaakaita namadzibaba edu paakavabudisa kubva muIjipiti.”

1 Madzimambo 8:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni. Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe. Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapristi vakasimudza areka. Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapristi navaRevhi vakakwira nayo. Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo. Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene‐tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi. Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro. Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi. Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika yeIjipiti. Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha, naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru. Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.” Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka. Akati, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti, ‘Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba. Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, “Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba. Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.” Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti.

1 Madzimambo 8:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni. Saizvozvo varume vose vechiIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamazuva makuru emwedzi waEtanimu, mwedzi wechinomwe. Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vapristi vakandotakura bhokisi rechitenderano. Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe iroro rokusanganira. Vapristi navaRevhi ndovakauya nazvo. Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa. Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro munzvimbo inoera mukamba kwomukatikati kemba iyoyi, munzimbo inoeresesa nechepasi pamapapiro emakerubhu aye. Chaivapo ndechokuti makerubhu iwayo akanga akatambanudza mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa. Mapango aya aiva akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange nomunhu ari munzvimbo inoera tisati tapinda munzvimbo inoera. Asi akanga asingaonekwe nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno. Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti. Vapristi pavakabuda munzvimbo inoera muya gore rakazadza imba yaTenzi zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iri nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyi. Soromoni akati, “Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira zvake kugara mugore rakati kwirindindi. Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba, ino chaiyo, inomukurumbira, musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.” Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira. Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti, ‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’ “Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba. Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo. Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’ Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi. Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.”

1 Madzimambo 8:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Soromoni wakaʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋose ʋamarudzi, iwo macinda edzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, kunamambo Soromoni paJerusarema, akakwidza areka yesuŋgano yaJehova, ibve paguta raDavidi, iro Zioni. Ʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kunamambo Soromoni pamutambo pamŋedzi weEtanimi, ndiwo mŋedzi wecinomŋe. Ipapo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya, ʋaprista ʋakasimudza areka. Ʋakakwira neareka yaJehova netente rokusoŋgana, nemidziyo mitȿene yose yaiʋa muTente, ʋaprista naʋaRevi ʋakakwira nayo. Mambo Soromoni, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri yakaŋga yaʋuŋganira kwaari, ʋakafamba naye pamberi peareka, ʋakaɓayira makwai nenzombe, ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaɀo. Ipapo ʋaprista ʋakagadzika areka yesuŋgano yaJehova panɀimbo yayo, panɀimbo tȿene yeimba, panɀimbo tȿene‐tȿene, ipo panyasi pamapapiro amakerubi. Nokuti makerubi akatambanudza mapapiro awo pamsoro penɀimbo yeareka, makerubi akafukidza areka namatanda ayo necokumsoro. Matanda akaŋga akareɓa; naiɀoɀo miromo yamatanda yakaŋga iciʋonekwa kana munhu ari panɀimbo tȿene pamberi penɀimbo paŋgataura Jehova; asi akaŋga asiŋgaʋonekwi necokunze; aciri’po kuȿikira nhasi. Mukati meareka makaŋga musisinecinhu, asi mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga aiswa’mo naMosesi paHorebi, ŋguʋa Jehova yaakaita suŋgano nayo naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋaprista ʋakati ʋaɓuɗa panɀimbo tȿene, gore rikazadza imba yaJehova, naiɀoɀo ʋaprista ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira paɓasa nokuɗa kwegore; nokuti kubginya kwaJehova kwakazadza imba yaJehova. Ipapo Soromoni akati: Jehova wakati, ndinoɗa kugara mukati merima guru. Ɀirokwaɀo, ndakakuʋakirai imba pamuŋgagara, nɀimbo mamuŋgagara nokusiŋgaperi. Ɀino mambo akatendeʋudza ciso cake, akaropafadza ʋuŋgano yose yaIsraeri; ʋuŋgano yose yaIsraeri ikasimuka. Akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, akaɀizadzisa noruʋoko rwake, aciti: Kubva pazuʋa randakaɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri paEgipita, handina‐kutsaura guta rimŋe pamarudzi ose aIsraeri, paʋaŋgandiʋakira imba, kuti zita raŋgu rigare’po; asi ndakatsaura Davidi aɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Asi Jehova wakati kunaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu: Wakaita ɀakanaka, ɀawakaŋga uciɗa kuʋakira zita raŋgu imba. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe hauŋgaʋaki imba iyo, asi mŋanakomana wako waucaɓereka, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba. Ɀino Jehova wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋaŋgu, ndikagara pacigaro coʋushe caIsraeri, seɀakapikira Jehova, ndikaʋakira zita raJehova Mŋari waIsraeri, imba. Imomo ndakagadzirira areka nɀimbo, imo munesuŋgano yaJehova, yaakaita namadziɓaɓa eɗu paŋguʋa yaakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita.

1 Madzimambo 8:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)