1 Madzimambo 19:4-9
1 Madzimambo 19:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.” Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope. Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.” Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare. Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.” Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari. Ipapo akapinda mubako akarara usiku hwose.
1 Madzimambo 19:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, “Simuka, udye.” Akatarira, akaona pedyo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve. Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.” Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari. Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano Eria?”
1 Madzimambo 19:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.” Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.” Eriya akatarisa onei kumusoro kwake kune mupotohayi wakabikirwa pamatombo anopisa, kwaivawo neguchu remvura. Akadya akanwira mvura ndokurarazve. Mutumwa waTenzi akauyazve rwechipiri akamuzunza akati, “Muka udye, rwendo urwu rurefu kwauri.” Akamuka akadya akanwira mvura. Nesimba rembuva iyoyo akagona kufamba siku nesikati kwamazuva makumi mana kuHorebhu, gomo raMwari. Ikoko akasvikira mubako ndokumbogaramo. Shoko raTenzi ndokubva rauya kwaari. Akati kwaari, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
1 Madzimambo 19:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama. Akaʋata pasi, akaʋata hope pasi pomurara. Ɀino mutumŋa akamugunɀa, akati kwaari: Simuka, udye. Akatarira, akaʋona pedyo nomusoro wake ciŋgwa ciɗuku cakaŋga cagocwa pamazimbe, neciroŋgo cemvura. Akadya, akanwa, akaʋata pasi ɀe. Mutumŋa waJehova akaȿika ɀe rwecipiri, akamugunɀa, akati: Simuka, udye, nokuti ucakundwa norwendo. Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa neɀokudya iɀo, mazuʋa makumi manna noʋusiku bgunamakumi manna kuȿikira paHorebi, pagomo raMŋari. Akapinda’po muɓako, akagara’po. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, iye akati kwaari: Unoɓateiko pano Eria?
1 Madzimambo 19:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)