1 Madzimambo 19:2-4
1 Madzimambo 19:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.” Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko, iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”
1 Madzimambo 19:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, “Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.” Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo. Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”
1 Madzimambo 19:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.” Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko. Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”
1 Madzimambo 19:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Izeberi akatuma nhume kunaEria, akati: Ʋamŋari ŋgaʋandiroʋe, ŋgaʋarambe ʋaciɗaro, kana ini ndikasafananidza ʋupenyu bgako noʋupenyu bgomumŋe waʋo maŋgwana neŋguʋa ino. Ɀino wakati aciʋona iɀoɀo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuʋurawa, akaȿika paBeeri‐sheba raiʋa raJuda, akasiya muranda wake ipapo. Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama.
1 Madzimambo 19:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)