1 Madzimambo 19:14-21
1 Madzimambo 19:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.” Jehovha akati kwaari, “Dzokera nenzira yawauya nayo, ugoenda kuGwenga reDhamasiko. Kana wasvikako, uzodze Hazaeri kuti ave mambo weAramu. Uzodzezve Jehu, mwanakomana waNimishi kuti ave mambo weIsraeri, ugozodza Erisha, mwanakomana waShafati wokuAbheri Mehora kuti atore nzvimbo yako somuprofita. Jehu achauraya vose vachapunyuka munondo waHazaeri, uye Erisha achaurayawo vose vachapunyuka munondo waJehu. Kunyange zvakadaro, ndakachengeta zviuru zvinomwe zvavanhu muIsraeri, vose vane mabvi asina kupfugamira Bhaari uye vane miromo isina kumutsvoda.” Naizvozvo Eria akabvapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati. Akanga achirima nehando dzakasungwa pamajoko gumi namaviri, iye achichaira joko regumi namaviri. Eria akaenda kwaari akakanda jasi rake paari. Ipapo Erisha akasiya hando dzake akamhanya achitevera Eria. Akati, “Regai ndimbonotsvoda baba namai vangu ndichionekana navo, ndigozoenda nemi.” Eria akati, “Dzokera zvako. Ndakuiteiko?” Naizvozvo Erisha akamusiya akadzokera. Akatora hando dzejoko rake akadzibaya. Akashandisa zvaairimisa sehuni dzokubikisa nyama yacho, akaipa kuvanhu, ndokubva vadya. Ipapo akasimuka akatevera Eria akabva ava muranda wake.
1 Madzimambo 19:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati, “Ndakanga ndichishingaira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.” Zvino Jehovha akati kwaari, “Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasiko; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria, naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako. Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurawa naErisha. Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.” Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguo yake pamusoro pake. Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, “Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai.” Iye akati kwaari, “Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?” Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.
1 Madzimambo 19:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu vakapunzira pasi atari, dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.” Tenzi akamuti, “Chienda udzokere nokurenje reDhamasikusi ukange wasvikako unofanira kuzodza Hazaeri kuti ave mambo weSiria uzodzewo Jehu mwanakomana waNimushi kuti ave mambo wokwaIsiraeri. Unofanirawo kuzodza Erisha mwanakomana waShafati wokuAbheromehora kuti ave muporofita panzvimbo pako. Anenge apunyuka mumapakatwa aHazaeri achaurayiwa naJehu, anopunyukawo bakatwa raJehu achiurayiwawo naErisha. Kunyange zvazvo zvakadaro ndichasiya zviuru zvinomwe zvavanhu muIsiraeri, vose zvavo vane mabvi asina kumbopfugamira Bhaari nomunhu wose ane muromo usina kumbomutsvoda.” Saizvozvo Eriya akabva ipapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati achirima aine nzombe dzakabopwa pamajoko gumi namaviri iye ari pane regumi nerechipiri racho. Eriya akapfuura nepaari akapaikira hanzu yake pana Erisha. Erisha akabva asiya nzombe dzacho ndokumhanyira kuna Eriya akati, “Regai ndimbondotsvoda ndichionekana nababa naamai vangu ndigoti ndokuteverai.” Akati kwaari, “Dzokera zvako, ko chii chandaita kwauri?” Akati dzokei kwaakanga achimutevera ndokutora chipani chenzombe dzake mbiri ndokudziuraya ndokubika nyama yadzo joko ririro huni dzokubikisa ndokupa vanhu vakadya ndokusimuka otevera Eriya omushandira.
1 Madzimambo 19:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya. Ɀino Jehova akati kwaari: Dzoka nenzira yako yokurenje reDamasko; kana waȿika’po, uzodze Hazaeri, aʋe mambo weSiria, naJehu mŋanakomana waNimshi umuzodze aʋe mambo waIsraeri, naErisha mŋanakomana waShafati weAberi‐mehora, umuzodze aʋe muprofita panɀimbo yako. Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, ucaʋurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, ucaʋurawa naErisha. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicasiya pakati paIsraeri ɀuru ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋasina‐kufugamira Baari namabvi aʋo, ʋasina‐kumuȿeta nemiromo yaʋo. Naiɀoɀo akabva’po, akandowana Erisha mŋanakomana waShafati, wakaŋga acirima nenzombe dzakasuŋgwa pamajoko anegumi namaʋiri, iye ari pajoko regumi namaʋiri; Eria akapfuʋura nokwaari, akakanda ŋguʋo yake pamsoro pake. Iye akasiya nzombe, akamhanya aciteʋera Eria, akati: Nditenderei henyu ndimbondoȿeta ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu, ndigokuteʋerai. Iye akati kwaari: Cidzoka hako, nokuti ndakuiteiko? Akadzoka pakumuteʋera, akatora nzombe dzejoko iro, akadziɓaya, akagoca nyama yadzo aciita nhumbi dzadzo huni, ndokupa ʋanhu, iʋo ʋakadya. Ɀino wakasimuka, akateʋera Eria, akamuɓatira.
1 Madzimambo 19:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)