1 Madzimambo 19:1-14
1 Madzimambo 19:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo. Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.” Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko, iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.” Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope. Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.” Akatarisa-tarisa, akaona chingwa chakanga chabikwa pamazimbe omoto pedyo nomusoro wake, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akabva arara zvakare. Mutumwa waJehovha akadzoka kechipiri akamubata akati, “Simuka udye, nokuti rwendo rungakuremera.” Naizvozvo akamuka akadya, akanwa. Zvokudya izvozvo zvakamupa simba zvokuti akafamba kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana kusvikira asvika paHorebhi, gomo raMwari. Ipapo akapinda mubako akarara usiku hwose. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano, Eria?” Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.” Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.” Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko. Mushure mokudengenyeka kwenyika kwakauya moto, asi Jehovha akanga asiri mumoto. Uye shure kwomoto akanzwa inzwi richitaura nakazevezeve kakapfava. Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?” Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”
1 Madzimambo 19:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ahabhi wakaudza Izebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo. Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, “Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.” Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo. Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, “Simuka, udye.” Akatarira, akaona pedyo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve. Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.” Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari. Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano Eria?” Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.” Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika. Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo. Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eria?” Iye akati, “Ndakanga ndichishingaira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”
1 Madzimambo 19:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ahabhu akataurira Izebhero zvose zvakanga zvaitwa naEriya nokuuraya kwaakaita vaporofita vose nebakatwa. Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.” Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko. Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.” Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.” Eriya akatarisa onei kumusoro kwake kune mupotohayi wakabikirwa pamatombo anopisa, kwaivawo neguchu remvura. Akadya akanwira mvura ndokurarazve. Mutumwa waTenzi akauyazve rwechipiri akamuzunza akati, “Muka udye, rwendo urwu rurefu kwauri.” Akamuka akadya akanwira mvura. Nesimba rembuva iyoyo akagona kufamba siku nesikati kwamazuva makumi mana kuHorebhu, gomo raMwari. Ikoko akasvikira mubako ndokumbogaramo. Shoko raTenzi ndokubva rauya kwaari. Akati kwaari, “Uri kuiteiko pano Eriya?” Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.” Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku. Mushure mokundengendeka kwakauya moto, asi Tenzi akanga asiri moto. Mushure memoto kwakanzwika izwi dete raitaura zvinyoronyoro. Eriya paakarinzwa akafugidza uso nehanzu yake akabuda ndokundomira pamusuo pebako. Izwi rikauya kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano Eriya?” Iye akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu vakapunzira pasi atari, dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
1 Madzimambo 19:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ahabi wakaʋudza Izeberi ɀose ɀakaŋga ɀaitwa naEria, ɀokuʋuraya kwake ʋaprofita ʋose nomunondo. Ipapo Izeberi akatuma nhume kunaEria, akati: Ʋamŋari ŋgaʋandiroʋe, ŋgaʋarambe ʋaciɗaro, kana ini ndikasafananidza ʋupenyu bgako noʋupenyu bgomumŋe waʋo maŋgwana neŋguʋa ino. Ɀino wakati aciʋona iɀoɀo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuʋurawa, akaȿika paBeeri‐sheba raiʋa raJuda, akasiya muranda wake ipapo. Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama. Akaʋata pasi, akaʋata hope pasi pomurara. Ɀino mutumŋa akamugunɀa, akati kwaari: Simuka, udye. Akatarira, akaʋona pedyo nomusoro wake ciŋgwa ciɗuku cakaŋga cagocwa pamazimbe, neciroŋgo cemvura. Akadya, akanwa, akaʋata pasi ɀe. Mutumŋa waJehova akaȿika ɀe rwecipiri, akamugunɀa, akati: Simuka, udye, nokuti ucakundwa norwendo. Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa neɀokudya iɀo, mazuʋa makumi manna noʋusiku bgunamakumi manna kuȿikira paHorebi, pagomo raMŋari. Akapinda’po muɓako, akagara’po. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, iye akati kwaari: Unoɓateiko pano Eria? Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, nokuʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya. Iye akati: Enda, undomira pagomo pamberi paJehova. Ɀino Jehova akapfuʋura’po, mhepo huru inesimba ikapamura makomo, ikaputsanya mabge pamberi paJehova; asi Jehova wakaŋga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuʋura, kuɗeŋgenyeka kwenyika kukaʋa’po; asi Jehova wakaŋga asiri mukuɗeŋgenyeka kwenyika. Kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakati kwapfuʋura, mŋoto ukateʋera; asi Jehova wakaŋga asiri mumŋoto; mŋoto wakati wapfuʋura, kufefetera kwokudzikama kukaʋa’po. Ɀino Eria wakati aciɀinzwa, akafukidza ciso cake neŋguʋo yake, akaɓuɗa, akandomira pamuromo weɓako. Ipapo inzwi rikaȿika kwaari, rikati: Unoɓateiko pano, Eria? Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya.
1 Madzimambo 19:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)