Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 13:1-17

1 Madzimambo 13:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira. Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ” Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.” Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare. Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga. Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.” Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno. Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ” Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri. Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo. Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha. Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva. Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?” Akapindura akati, “Ndini.” Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.” Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino. Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ”

1 Madzimambo 13:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira. Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, “Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.” Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, “Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.” Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, “Mubatei!” Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve. Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha. Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, “Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu.” Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.” Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, “Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano; nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ” Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri. Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa nomunhu waMwari paBheteri pazuva iro; namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo. Ipapo baba vavo vakati kwavari, “Waenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha. Akati kuvanakomana vake, “Ndisungirei chityaro pambongoro;” ivo vakamusungira chityaro pambongoro, akaitasva. Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, “Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here?” Akati, “Ndini.” Ipapo akati kwaari, “Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.” Iye akati, “Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano; nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ”

1 Madzimambo 13:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndiye munhu waMwari nepo vhu achibva kwaJudha neshoko raTenzi. Izvozvo Jerobhoamu akanga amire padyo neatari kuti achipisa rusenzi. Murume uyu akadaidzira kuatari iyoyi namazwi aakafemerwa naTenzi achiti, “Atari, iwe atari, zvanzi naTenzi, chinzwa kuchaberekwa mwana mukomana womumba yokwaDhavhidhi ane zita rokuti Josiya. Iyeyo achapira pauri iyewe sezvibayiro vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vachipisa rusenzi pauri. Vachapisa pauri iwe mapfupa avanhu.” Akabva apa chiratidzo musi wakarewo achiti, “Hechinoi chiratidzo chinoratidza kuti Tenzi ndiye azvitaura. Teererai munzwe, atari iyoyi iyi ichakoromorerwa pasi, rota riri pairi iri richakuhumurirwa pasi.” Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvaitaurwa nomunhu waMwari nezveatari yapaBhetieri, akatambanudza ruoko kumunongedza ari paatari ipapo achiti, “Batai munhu uyo.” Ruoko irworwo rwaakatambanudza kunongedza rwakabva rwati papata kuoma zvokuti haana kukwanisa kurugonyesa. Atariwo yakabva yati pasi tsetsemu tsemu tsemu. Rotawo raiva paatari ndiye pasi ririri maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari sokufemerwa kwaaiva aitwa naTenzi. Mambo ndokuti kumunhu waMwari, “Ndateterera ndikumbirireiwo kuna Tenzi, Mwari wenyu mundinamatirewo kuti ndiporeswe ruoko rwangu.” Munhu waMwari akakumbira kuna Tenzi, mambo akaporeswa ruoko rwake ndokubva rwaita sezvarwakanga rwakaita kare. Mambo akati kumunhu waMwari, “Uyai tiende tose kumba muwane chokumboti mudzore mwoyo ini ndigokupaiwo kachipo kangu.” Munhu waMwari akati kuna mambo, “Kunyange zvenyu mukandikamurira napakati zvemba yenyu, handiende nemi uye handisi kuzodya chokudya kanawo kunwa zvako mvura yokuno nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa mvura kana kudzokera nenzira yandambofamba nayo pakuuya.” Saka akaenda neimwe nzira, akarega kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBhetieri. Zvino kuBhetieri ikoku kwaigara mumwe muporofita wechikuru. Mumwe mwana wake mukomana akauya akamutaurira zvose zvaiva zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBhetieri imomo, shokowo raakanga ataura kuna mambo vakaritaurira baba wavo. Baba wavo vakati kwavari, “Aenda nokupi?” Vana vake vakomana vakamuratidza nzira yaakanga aenda nayo munhu waMwari aibva kwaJudha. Iye akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakavasungira dhongi ndokubva vati padhongi riye karakata votevera munhu waMwari uya vakamuwana agere zvake pasi pomuti womuoku. Vakamuti, “Ndimi here munhu waMwari abva kwaJudha?” Iye ndokuti, “Ndini.” Ivo vakamuti, “Handei kumba mumbowana chokuisa mukanwa.” Iye ndokuti, “Handikwanisi kudzokera nemi kana kuenda nemi kunyange kudya chokudya kana kunwa mvura zvayo nemi kuno uku nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa zvako mvura yeko kana kudzokera nenzira yandakambofamba nayo pakuuya.”

1 Madzimambo 13:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino tarira, mumŋe munhu waMŋari wakaŋga arairwa neshoko raJehova, wakabva kwaJuda, akaȿika Beteri; Jeroboami wakaŋga amire paartari acipisa ɀinonhuwira. Iye akaɗanidzira kuartari, neshoko raJehova, akati: Iwe artari, artari, ɀanzi naJehova: Tarirai, imba yaDavidi icaponerwa mŋanakomana, ucanzi Josia; iye ucaɓaya pamsoro pako ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋanopisira ɀinonhuwira pamsoro pako, ʋuye ʋacapisa mafupa aʋanhu pamsoro pako. Akaʋapa ciratidzo nezuʋa iro, akati: Ndico ciratidzo cakataurwa naJehova: Tarirai, artari icapamuka, namaɗota ari pamsoro payo acarashirwa pasi. Ɀino mambo wakati acinzwa shoko romunhu waMŋari, raakaɗanidzira kuartari paBeteri, Jeroboami akasimudza ruʋoko rwake paartari, akatendeka narwo, akati: Muɓatei! Ipapo ruʋoko rwake rwaakaŋga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosa ɀe. Artari ʋo yakapamuka, namaɗota akarashirwa pasi paartari, ciratidzo cakaŋga capiwa nomunhu waMŋari cikaitika, ico cakaŋga carairwa naJehova. Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMŋari: Kumbira hako kunaJehova Mŋari wako andinzwire nyasha, undinyeŋgeterere, kuti ndiporeserwe ɀe ruʋoko rwaŋgu. Munhu waMŋari akanyeŋgetera kunaJehova, mambo akaporeserwa ɀe ruʋoko rwake, rukaita sakare. Ipapo mambo akati kumunhu waMŋari: Enda neni kumba kwaŋgu, uɀisimbise’po, ini ndikupe ʋo muɓairo. Asi munhu waMŋari wakati kunamambo: Kunyaŋge mukandiganhurira imba yenyu napakati, handiŋgapindi kwamuri, kunyaŋge kudya ɀokudya, kana kunwa pano; nokuti Jehova wakandiraira neshoko rake, akati: Usadya ɀokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo. Naiɀoɀo akadzoka neimŋe nzira, haana‐kudzoka nenzira yaakaŋga aenda nayo Beteri. Ɀino paBeteri pakaŋga pagere muprofita mutana; mŋanakomana wake akandomuʋudza maɓasa ose akaitwa nomunhu waMŋari paBeteri pazuʋa iro; namashoko aakataura kunamambo, naiwo ʋakaʋudza ʋo ɓaɓa ʋaʋo. Ipapo ɓaɓa ʋaʋo ʋakati kwaʋari: Waenda nenzira ipiko? Ɀino ʋana ʋake ʋakaŋga ʋaʋona nzira yaendwa nayo nomunhu waMŋari wokwaJuda. Akati kuʋanakomana ʋake: Ndisuŋgirei cigaro pamboŋgoro; iʋo ʋakamusuŋgirira cigaro pamboŋgoro, akaitasa. Akateʋera munhu waMŋari, akamuwana agere pasi pomuti womuouki, ndokuti kwaari: Ndiwe munhu waMŋari wakabva kwaJuda here? Akati: Ndini. Ipapo akati kwaari: Hendei kumba kwaŋgu, undodya ɀokudya. Iye akati: Handiŋgagoni kudzoka nemi, kana kupinda kwamuri, handiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura nemi pano; nokuti ndakarairwa neshoko raJehova, akati: Usadya ɀokudya, kana kunwa mvura’po, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.

1 Madzimambo 13:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)