1 Johani 3:8-10
1 Johani 3:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
1 Johani 3:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori. Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti akaberekwa naMwari. Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.
1 Johani 3:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani. Hapana munhu akaberekwa naMwari anoita chitadzo nokuti mhodzi yaMwari inogara maari. Haakwanisi kutadzira Mwari nokuti akaberekwa naMwari. Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vaSatani ndavapi. Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake.
1 Johani 3:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uyo, unoita ɀiʋi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita ɀiʋi kubva pakutaŋga. Mŋanakomana waMŋari wakaʋoneswa nemhaka iyi kuti aparadze maɓasa aDiaborosi. Mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita ɀiʋi, nokuti wakaɓerekwa naMŋari. Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake.
1 Johani 3:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)