1 Johani 3:21-24
1 Johani 3:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza. Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
1 Johani 3:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadikwanwi, kana mwoyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirayiro yake, tichiita zvinomufadza. Ndiwo murayiro wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatirayira. Anochengeta mirayiro yake, anogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti anogara matiri; noMweya waakatipa.
1 Johani 3:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadikanwi kana hana dzedu dzisingatipi mhosva tine chivimbo pamberi paMwari. Tinopiwa naye zvose zvatinokumbira nokuti tinochengeta mitemo yake tichiita zvinomufadza. Mutemo wake ndouya wokuti: Tinofanira kutenda muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu uye kudanana sokutiudza kwaakaita. Vose vanochengeta mitemo yake vanogara vakabatana naye iyewo akabatanawo navo. Izvi ndizvo zvinotizivisa kuti iye akabatana nesu, zvokuti akatipa Mweya Mutsvene.
1 Johani 3:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaɗikanwa, kana mŋoyo usiŋgatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMŋari; ʋuye ɀose ɀatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinoceŋgeta mirairo yake, ticiita ɀinomufadza. Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMŋanakomana wake, Jesu Kristu, ʋuye tiɗane, seɀaakatiraira. Unoceŋgeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti unogara matiri, noMŋeya waakatipa.
1 Johani 3:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)