1 Johani 3:16-17
1 Johani 3:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
1 Johani 3:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti akatipa upenyu hwake; nesuo tinofanira kupa hama upenyu hwedu. Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
1 Johani 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusana pedu, isuwo tinofanira kuparadza upenyu hwedu nokuda kwavamwe vedu. Ngatitii munhu ane upfumi hwapanyika akaona mumwe wake asina chokubata iye womuomesera mwoyo pakadaro rudo rwaMwari runganzi ruri maari sei?
1 Johani 3:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndoɀatinoziʋa ruɗo naɀo, kuti wakatipa ʋupenyu bgake; nesu ʋo tinofanira kupa hama ʋupenyu bgeɗu. Asi kana munhu anefuma yenyika, akaʋona hama yake icishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, ruɗo rwaMŋari runogara seiko maari?
1 Johani 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)