1 Johani 3:1-2
1 Johani 3:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.
1 Johani 3:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. Vadikanwi, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizooneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
1 Johani 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tarisai muone kuti rudo rwakadii rwatakaitirwa naBaba, rwokuti tinzi vana vaMwari uye ndizvo zvatiriwo izvozvo. Chinoita kuti pasi pasatizive ndechokuti hapana kumuziva. Vadikanwi izvozvi tiri vana vaMwari. Zvatichava hazvisati zvavakuonekwa. Asi zvatinoziva ndezvokuti kana iye ozviratidza, tichange takafanana naye nokuti tichamuona sezvaari.
1 Johani 3:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai kukura kworuɗo rwatakaitirwa naƂaɓa, kuti tinzi ʋana ʋaMŋari; ndiɀo ɀatiri ʋo; saka nyika haitiziʋi, nokuti haina‐kumuziʋa iye. Ʋaɗikanwa, ɀino tiri ʋana ʋaMŋari, ʋuye ɀicigere kuratidzwa kuti ticazoʋei. Tinoziʋa kuti kana acizoʋoneswa, isu ticafanana naye; nokuti ticamuʋona seɀaakaita.
1 Johani 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)