1 VaKorinde 7:6-9
1 VaKorinde 7:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro. Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho. Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.
1 VaKorinde 7:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarayiri. Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi. Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi, Zvakanaka kuti vagare seni. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva.
1 VaKorinde 7:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi.
1 VaKorinde 7:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ndinotaura iɀi, ndicikutenderai, ndisiŋgarairi. Nokuti ndinoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaʋe seni. Asi munhu mumŋe nomumŋe unecipiwa cake, cinobva kunaMŋari, mumŋe corudzi urwu, mumŋe corumŋe rudzi. Asi ndinoti kunaʋasina‐kuwana, nokucirikadzi: Ɀakanaka kuti ʋagare seni. Asi kana ʋasiŋgagoni kuɀidzora, ŋgaʋawane; nokuti ɀirinani kuti ʋawane pakutȿa.
1 VaKorinde 7:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)