1 VaKorinde 7:32-38
1 VaKorinde 7:32-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei, uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei. Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere. Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana. Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka. Saka naizvozvo, uyo anowana mhandara iyi anoitawo zvakanaka, asi uyo asingawani anoita chinhu chakatonakisa.
1 VaKorinde 7:32-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi. Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo. Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka. Naizvozvo, anomuwanisa anoita zvakanaka; noasingamuwanisi, anoita zvinopfuura nokunaka.
1 VaKorinde 7:32-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi. Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa. Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka. Naizvozvo munhu anoroora musikana wake anoita zvakanaka uyewo munhu asingaroori anotoita zviri nani.
1 VaKorinde 7:32-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei. Asi wakawana, unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei. Iɀi ndinotaura kuti muɓatsirwe imi; ndisiŋgaɗi kukusuŋgai nomusuŋgo, asi nokuɗa kweɀakafanira, ʋuye kuti munamatire Ishe, musiŋgakaŋganiswi. Asi kana mumŋe acifuŋga kuti haaitiri mukunda wake, yaʋa mhandara, ɀakafanira, iye ɀaatokura kwaɀo hake, kana ɀirinani kuti ɀiitwe, ŋgaaite nokuɗa kwake, haatadzi; ŋgaʋawaniswe haʋo. Asi uyo unomira akasimba pamŋoyo pake, asiŋgamanikidzwi necinhu, asi anesimba pamsoro pokuɗa kwake, akatema mumŋoyo make cinhu ici, kuti ucaceŋgeta mhandara yake, iye unoita ɀakanaka. Naiɀoɀo, unomuwanisa unoita ɀakanaka; nousiŋgamuwanisi, unoita ɀinopfuʋura nokunaka.
1 VaKorinde 7:32-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)