1 VaKorinde 6:15-18
1 VaKorinde 6:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, “Vaviri ava vachava nyama imwe.” Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya. Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
1 VaKorinde 6:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva! Hamuzivi kuti akasanganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye anoti, “Ava vaviri vachava nyama imwe.” Asi akasanganiswa naIshe, wava mweya mumwe naye. Tizai upombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi anoita upombwe, anotadzira muviri wake.
1 VaKorinde 6:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake.
1 VaKorinde 6:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hamuziʋi kuti miʋiri yenyu mitezo yaKristu here? Ɀino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiiite mitezo yemhombge here? Haiȿa! Hamuziʋi kuti wakasoŋganiswa nemhombge waʋa muʋiri mumŋe naye here? Nokuti iye unoti: Aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Asi wakasoŋganiswa naShe, waʋa mŋeya mumŋe naye. Tizai ʋupombge. Ɀiʋi ɀose, ɀinoitwa nomunhu, ɀiri kunze kwomuʋiri; asi unoita ʋupombge, unotadzira muʋiri wake.
1 VaKorinde 6:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)