1 VaKorinde 6:12-19
1 VaKorinde 6:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinotenderwa zvinhu zvose, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Kwandiri zvinhu zvose zvinotenderwa, asi handidi kutongwa kana nechimwe. Zvokudya ndezvedumbu uye dumbu nderezvokudya, asi Mwari achaparadza zvose zviri zviviri. Muviri hauzi woupombwe, asi ndowaShe, uye naShe ndewomuviri. Mwari akamutsa Ishe kubva kuvakafa nesimba rake uye achatimutsawo. Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, “Vaviri ava vachava nyama imwe.” Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya. Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu
1 VaKorinde 6:12-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe. Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari achaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi woupombwe, asi ndowaIshe; naIshe ndowomuviri; Mwari akamutsa Ishe, uye achatimutsa isu nesimba rake. Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva! Hamuzivi kuti akasanganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye anoti, “Ava vaviri vachava nyama imwe.” Asi akasanganiswa naIshe, wava mweya mumwe naye. Tizai upombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi anoita upombwe, anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu
1 VaKorinde 6:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi hazvisi zvose zvinobatsira Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho. Chokudya chakaitirwa dumbu dumbu rakaitirwa chokudya. Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri Muviri hausi wounzenza asi ndowaTenzi, Tenziwo ndewe muviri Mwari akamutsa Tenzi uye achatimutsawo nesimba rake. Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika. Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.” Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake. Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri.
1 VaKorinde 6:12-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀinhu ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose, asi handiɗi kukundwa necinhu cimŋe. Ɀokudya ndeɀeɗumbu, neɗumbu ndereɀokudya; asi Mŋari ucaparadza iro naiɀo, ɀose. Asi muʋiri hauzi woʋupombge, asi ndowaShe; naShe ndowomuʋiri; Mŋari wakamutsa Ishe, ʋuye ucatimutsa isu nesimba rake. Hamuziʋi kuti miʋiri yenyu mitezo yaKristu here? Ɀino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiiite mitezo yemhombge here? Haiȿa! Hamuziʋi kuti wakasoŋganiswa nemhombge waʋa muʋiri mumŋe naye here? Nokuti iye unoti: Aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Asi wakasoŋganiswa naShe, waʋa mŋeya mumŋe naye. Tizai ʋupombge. Ɀiʋi ɀose, ɀinoitwa nomunhu, ɀiri kunze kwomuʋiri; asi unoita ʋupombge, unotadzira muʋiri wake. Hamuziʋi here kuti muʋiri wenyu itembere yoMŋeya Mutȿene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMŋari? Hamuzi ʋenyu
1 VaKorinde 6:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)