1 VaKorinde 16:7-9
1 VaKorinde 16:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera. Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti, nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.

1 VaKorinde 16:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera. Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi. Nokuti ndazarurirwa musuo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
1 VaKorinde 16:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida. Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda.
1 VaKorinde 16:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti handiɗi kukuʋonai ɀino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndicazogara nemi ciŋguʋa, kana Ishe acinditendera. Asi ndicagara paEfeso kuȿikira paPentekosta. Nokuti ndazarurirwa mukoʋa mukuru uneɓasa guru; naʋadziʋisi ʋazhinji ʋari’po.
1 VaKorinde 16:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)