1 VaKorinde 14:1-25
1 VaKorinde 14:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke. Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa. Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira? Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo? Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa? Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozivikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva. Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri. Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke. Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura. Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko. Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura? Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, ndichataura kuvanhu ava, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
1 VaKorinde 14:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Teverai rudo; shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite. Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya. Asi anoporofita, anotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurayirwa, nokunyaradzwa. Anotaura norurimi, anozvisimbisa iye; asi anoporofita, anosimbisa kereke. Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe. Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa? Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa? Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angazvigadzira kundorwa? Zvakadarowo nemi, kana musingatauri mashoko norurimi anonatsozikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. Mazwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakuna chinhu chisina izwi racho. Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi. Saizvozvowo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke. Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo. Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo. Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe? Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi. Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi. Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru. Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.” Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda. Naizvozvo, kana kereke yose yaungana, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here? Asi kana vose vakaporofita, mumwe asingatendi kana asina kudzidza akapinda, achatendiswa navose, achatongwa navose; zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo achawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe nokupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
1 VaKorinde 14:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite. Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya. Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza. Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano. Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe. Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso. Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa? Kana hwamanda ikarira asi kurira kwayo kusina zvakunoreva kuvanhu ndiani angagadzirire kundorwa? Ndizvo zvimwechetezvo nemi kana mukataura nendimi dzisingazivikanwi, kozvino munhu angazive sei zvinotaurwa? Munenge muchitotaura kumhepo zvenyu. Ichokwadi kuti kune mitauro mizhinji yakasiyana–siyana pasi pano asi hapana usina zvaunoreva. Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri. Ndizvo zvimwechete nemi, zvamunodisisa kuona zvinhu zvinoratidza kuti Mweya Mutsvene aripo, vavarirai kuvaka sangano. Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi. Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero. Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi; “Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi uye nemiromo yeve chirudzi, ndichataura kuvanhu ava. Kunyange ipapo havambonditeerera,” ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi hachisi chiratidzo chavatendi asi chavasiri vatendi. Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi. Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here? Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake. Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu.
1 VaKorinde 14:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Teʋerai ruɗo; shiŋgairirai ɀipo ɀoMŋeya, asi ɀikuru kuti muprofite. Nokuti unotaura norumŋe rurimi haatauri kuʋanhu, asi kunaMŋari; nokuti hakuna‐unomunzwa; asi noMŋeya unotaura ɀakaʋanzika. Asi unoprofita, unotaura kuʋanhu, kuti ʋasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa. Unotaura norurimi, unoɀisimbisa iye; asi unoprofita, unosimbisa kereke. Ɀino ndinoɗa kuti imi mose mutaure nendimi, asi ɀikuru kuti muprofite; unoprofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana aciɗudzira, kuti kereke isimbiswe. Asi ɀino, hama dzaŋgu, kana ndiciʋuya kwamuri, ndicitaura nendimi, ndiŋgakuɓatsirai neiko, kana ndisiŋgatauri nokuzarurirwa, kana nokuziʋa, kana nokuprofita, kana nokudzidzisa? Kunyaŋge ɀinhu ɀisinoʋupenyu, ɀinorira — kana iri nyere, kana ruɗimbga — kana ɀisiŋgasiyani pakurira kwaɀo, ɀiŋgazikanwa seiko cinoridzwa nenyere kana noruɗimbga? Nokuti kana hwamanda isiŋgariri kwaɀo, ndianiko uŋgaɀigadzira kundorwa? Ɀakaɗaro ʋo nemi, kana musiŋgatauri norurimi mashoko anonatso‐zikanwa, ɀinotaurwa ɀicazikanwa seiko? Nokuti mucaŋgotaura henyu mumhepo. Manzwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakunecinhu cisinenzwi raco. Ɀino kana ndisiŋgaziʋi kuti inzwi rinoreʋei, ini ndicaʋa somunhu worumŋe rurimi kunounotaura, nounotaura ucaʋa kwandiri somunhu worumŋe rurimi. Saiɀoɀo ʋo imi, ɀamunoshiŋgairira ɀinhu ɀoMŋeya, tȿakai ɀikuru kuti musimbise kereke. Saka unotaura norumŋe rurimi, ŋgaanyeŋgetere kuti aɗudzire ʋo. Nokuti kana ndicinyeŋgetera norumŋe rurimi, mŋeya waŋgu unonyeŋgetera, asi kufuŋga kwaŋgu kunoshaiwa ɀiɓereko. Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo. Kana ɀisakaɗaro, kana iwe uciʋoŋga nomŋeya, ko uyo ugere pacigaro caʋasina‐kudzidza, ucati Ameni seiko pakuʋoŋga kwako, ɀaasiŋgaziʋi caunotaura iwe? Nokuti iwe unoʋoŋga hako ɀakanaka, asi mumŋe haasimbiswi. Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoɗa ɀikuru kutaura mashoko mashanu nokufuŋga kwaŋgu, kuti ndidzidzise ʋamŋe ʋo, pakutaura norumŋe rurimi mashoko aneɀuru ɀinegumi. Hama dzaŋgu, musaʋa ʋana pakuziʋa, asi muʋe ʋacece paɀakaipa, asi pakuziʋa muʋe ʋakuru. pamurairo pakanyorwa, paciti: Ndicataura kuʋanhu aʋa, ndicireʋa naʋanhu ʋedzimŋe ndimi nemimŋe miromo; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋaŋganditereri — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. Saka ndimi hadzizi ciratidzo kunaʋanotenda, asi kunaʋasiŋgatendi; nokuprofita hakuzi kunaʋasiŋgatendi, asi kunaʋanotenda. Naiɀoɀo, kana kereke yose yaʋuŋgana, ʋose ʋakataura nendimi, ʋasina‐kudzidza kana ʋasina‐kutenda ʋakapinda, haʋati munopeŋga here? Asi kana ʋose ʋakaprofita, mumŋe usiŋgatendi kana usina‐kudzidza akapinda, ucatendiswa naʋose, ucatoŋgwa naʋose; ɀakaʋanzika ɀomŋoyo wake ɀinoratidzwa; naiɀoɀo ucawira pasi neciso cake, acinamata Ishe, nokupupura kuti Mŋari uri pakati penyu ɀirokwaɀo.
1 VaKorinde 14:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)