1 VaKorinde 12:12-28
1 VaKorinde 12:12-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu. Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe. Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo. Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.
1 VaKorinde 12:12-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu. Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe. Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here? Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here? Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo. Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo. Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi.
1 VaKorinde 12:12-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete. Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete. Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo. Mwari akapa vanhu mabasa musangano sezvizvi, vokutanga vapositori, vechipiri vaporofita, vetatu vadzidzisi kouya vaiti vezvishamiso koti varapi kozoti vabatsiri navafambisi vamabasa navatauri vendimi dzakasiyana–siyana.
1 VaKorinde 12:12-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu. Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe. Nokuti muʋiri hauzi mutezo mumŋe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati: Ɀandisati ndiri ruʋoko, handizi womuʋiri; ko haruzi rwomuʋiri, ɀarwaɗaro here? Nenzeʋe kana ikati: Ɀandisati ndiri ziso, handizi womuʋiri; ko haizi yomuʋiri here? Kana muʋiri wose raiʋa ziso, kunzwa kwaiʋepiko? Kana wose kwaiʋa kunzwa, kunhuwidza kwaiʋepiko? Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko? Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe. Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi. Kwete, ɀikuru mitezo iyo yomuʋiri ineŋge isinesimba, ndiyo inoɗikanwa; nemitezo iyo yomuʋiri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwaɀo; nemitezo iyo yeɗu isina‐kunaka, ndiyo yoʋa nokunaka kunopfuʋurisa; asi mitezo yeɗu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mŋari wakaɓatanidza muʋiri wose, akakudza nokupfuʋurisa mitezo inoshaiwa kunaka; kuti pamuʋiri parege kuʋa nokupesana; asi kuti mitezo iceŋgetane ɀakaenzana. Kana mutezo mumŋe ucitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamŋe cete nawo; kana mutezo mumŋe ucikudzwa, mitezo yose inofara pamŋe cete nawo. Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo. Mŋari wakaisa ʋamŋe pakereke, pakutaŋga ʋaapostora, rwecipiri ʋaprofita, rwecitatu ʋadzidzisi, teʋere ʋaiti ʋamaɓasa esimba, teʋere ɀipo ɀokuporesa, naʋaɓatsiri, naʋaɓati, namarudzi mazhinji endimi.
1 VaKorinde 12:12-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)