1 VaKorinde 11:23-29
1 VaKorinde 11:23-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka. Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe. Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe. Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
1 VaKorinde 11:23-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya. Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo usina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe. Zvino munhu ngaazviedze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa.
1 VaKorinde 11:23-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke. Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya. Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi. Saka munhu ngaatange azviongorora ndokuzoti odya chingwa ichocho nokunwa mukombe iwoyo. Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa.
1 VaKorinde 11:23-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira. Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe. Ɀino munhu ngaaɀiidze, kuti adye ciŋgwa ici aciɗaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga.
1 VaKorinde 11:23-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)