Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 1:18-30

1 VaKorinde 1:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu. Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo. Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake. Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.

1 VaKorinde 1:18-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.” Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu. Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu.

1 VaKorinde 1:18-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti shoko romucinjikwa ʋupenzi kunaʋanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMŋari. Nokuti kwakanyorwa kucinzi: Ndicaparadza ʋucenjeri bgaʋakacenjera, Ndicakonesa kuziʋa kwaʋanoziʋa. Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here? Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza. Nokuti ʋaJuda ʋanokumbira ɀiratidzo, naʋaGiriki ʋanotȿaka ʋucenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, wakaroʋerwa pamucinjikwa, cigumbuso kuʋaJuda, noʋupenzi kuʋahedeni; asi kunaʋakaɗanwa, ʋaJuda naʋaGiriki, Kristu isimba raMŋari, noʋucenjeri bgaMŋari. Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba. Nokuti tarirai kuɗanwa kwenyu, hama dzaŋgu, kuti haʋazi ʋazhinji ʋakacenjera panyama ʋakaɗanwa; haʋazi ʋazhinji ʋanesimba, haʋazi ʋazhinji ʋanokudzwa; asi Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀoʋupenzi ɀenyika, kuti anyadzise ʋakacenjera; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀisinesimba ɀenyika, kuti anyadzise iɀo ɀinesimba; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀinoɀidzwa ɀenyika, neɀinoshoʋorwa, neɀinhu ɀisi’po, kuti ashaise ɀiri’po simba raɀo, kuti kurege kuʋa nenyama iŋgaɀikudza pamberi paMŋari. Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu ʋucenjeri bgunobva kunaMŋari, nokururama, noʋutȿene, norudzikinuro.

1 VaKorinde 1:18-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)