1 Makoronike 29:8-9
1 Makoronike 29:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
1 Makoronike 29:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe papfuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni. Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.
1 Makoronike 29:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo.
1 Makoronike 29:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaŋga ʋaneɀibge ɀinokosha ʋakaɀipa ɀiiswe pafuma yeimba yaJehova, ɀicitarirwa naJehieri muGershoni. Ipapo ʋanhu ʋakafara ɀaʋakapa nomŋoyo wose, nokuti ʋakapa Jehova nomŋoyo wose wakarurama; namambo Davidi ʋo wakafara nomufaro mukuru.
1 Makoronike 29:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo.