1 Makoronike 29:5-13
1 Makoronike 29:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!” Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
1 Makoronike 29:5-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomwoyo wake wose kuna Jehovha?” Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi aIsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomwoyo wavo wose; vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana. Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe papfuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni. Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru. Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. “Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.
1 Makoronike 29:5-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
neyokuzoshandiswa nemhizha dzokugadzira zvinhu; ndarama iri yokugadzirisa zvinhu zvendarama, sirivha iri yokugadzirisawo zvesirivha. Zvino ndiani anonyatsozvipira nomwoyo unoda kuita basa raTenzi nhasi uno?” Vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navakuru vakuru vamadzinza avo navakuru vakuru vezviuru nevemazana namakurukota aishandira mambo vakabvisa zvipo nomwoyo unoda. Vakabvisa zvokushandisa pabasa remba yaMwari zvinoti: ndarama inopfuura zana ramatani rina matani makumi manomwe, kwouya sirivha inodarika matani mazana matatu ane makumi mana, kwoti ndarira inokarosvika matani mazana matanhatu ana makumi maviri kwozoti simbi inopfuura matani zviuru zvitatu zvina mazana mana. Ani naani aiva nematombo anokosha akaaendesa maichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi achichengetwa naJeieri wokwaGerishoni. Vanhu vakapembera kufara nokuti ivava ava vakanga vapa nomwoyo unoda. Kanawo mambo Dhavhidhiwo akafara zvikuru kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere. Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri.
1 Makoronike 29:5-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nendarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, neɀamaɓasa ose anofanira kuitwa namaʋoko aʋapfuri. Ɀino ndianiko unoɗa kupa nhendo dzake nomŋoyo wake wose kunaJehova nhasi? Ipapo macinda edzimba dzamadziɓaɓa, namacinda amarudzi aIsraeri, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, pamŋe cete naʋatariri ʋamaɓasa amambo ʋakapa nomŋoyo waʋo wose; ʋakapa kuɓate‐ɓasa reimba yaMŋari ndarama, matarenta aneɀuru ɀishanu, namadariki aneɀuru ɀinegumi, nesirveri, matarenta aneɀuru ɀinegumi, nendarira, matarenta aneɀuru ɀinegumi neɀisere, namatare, matarenta aneɀuru ɀinezana. Ʋakaŋga ʋaneɀibge ɀinokosha ʋakaɀipa ɀiiswe pafuma yeimba yaJehova, ɀicitarirwa naJehieri muGershoni. Ipapo ʋanhu ʋakafara ɀaʋakapa nomŋoyo wose, nokuti ʋakapa Jehova nomŋoyo wose wakarurama; namambo Davidi ʋo wakafara nomufaro mukuru. Ɀino Davidi akakudza Jehova pamberi peʋuŋgano yose; Davidi akati: Imi mukudzwe, Jehova, Mŋari waIsraeri ɓaɓa ʋeɗu nokusiŋgaperi. Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose. Fuma nokukudzwa ɀinobva kwamuri, imi munoɓata ʋushe pamsoro peɀose; paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe; ruʋoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa ʋose simba. Saka ɀino Mŋari weɗu, tinokuʋoŋgai nokurumbidza zita renyu rinobginya.
1 Makoronike 29:5-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)