1 Makoronike 29:11-13
1 Makoronike 29:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
1 Makoronike 29:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. “Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.
1 Makoronike 29:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri.
1 Makoronike 29:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose. Fuma nokukudzwa ɀinobva kwamuri, imi munoɓata ʋushe pamsoro peɀose; paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe; ruʋoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa ʋose simba. Saka ɀino Mŋari weɗu, tinokuʋoŋgai nokurumbidza zita renyu rinobginya.
1 Makoronike 29:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)