1 Makoronike 29:10-14
1 Makoronike 29:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa. “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
1 Makoronike 29:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi. Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. Pfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe; ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba. “Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya. “Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
1 Makoronike 29:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere. Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri. “Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo.
1 Makoronike 29:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi akakudza Jehova pamberi peʋuŋgano yose; Davidi akati: Imi mukudzwe, Jehova, Mŋari waIsraeri ɓaɓa ʋeɗu nokusiŋgaperi. Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose. Fuma nokukudzwa ɀinobva kwamuri, imi munoɓata ʋushe pamsoro peɀose; paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe; ruʋoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa ʋose simba. Saka ɀino Mŋari weɗu, tinokuʋoŋgai nokurumbidza zita renyu rinobginya. Asi ini ndini ani, naʋanhu ʋangu cinyiko, ɀatiŋgagona kupa nomŋoyo wose kuɗai? Nokuti ɀose ɀinobva kwamuri, takaŋgokupai ɀakabva paruʋoko rwenyu.
1 Makoronike 29:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)