Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 10:1-14

1 Makoronike 10:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino vaFiristia vakarwisa vaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, vazhinji vakaurayiwa paGomo reGiribhoa. VaFiristia vakatevera Sauro navanakomana vake kwazvo uyezve vakauraya vanakomana vake Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. Hondo yakarwiwa zvinotyisa kumativi ose aSauro uye vapfuri vouta pavakamubata, vakamukuvadza. Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa, “Vhomora munondo wako undibaye nawo kuti varume ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakanditambudza.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatya kwazvo akasada kuzviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri. Mubati wenhumbi dzake dzokurwa paakaona kuti Sauro afa, iyewo akazviwisira pamunondo wake akafa. Saka Sauro navanakomana vake vatatu neimba yake yose vakafa pamwe chete. Zvino vaIsraeri vose vakanga vagere pamupata vakati vaona kuti varwi vose vakanga vatiza uye Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Uye vaFiristia vakauya vakagara maari. Zuva raitevera, vaFiristia pavakauya kuzokutunura nhumbi dzavakanga vafa; vakawana Sauro navanakomana vake vakafa pagomo reGiribhoa. Vakamukutunura nhumbi dzake uye vakatora musoro wake nezvombo zvake vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kuti vandoparadzira shoko iri pakati pavamwari vavo uye navanhu vavo. Vakaisa zvombo zvake mutemberi yavamwari vavo vakaturika musoro wake mutemberi yaDhagoni. Vagari vose vomuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvose zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro, mhare dzose dzakasimuka dzikandotora zvitunha zvaSauro, navanakomana vake vakauya nazvo kuJabheshi vakaviga mapfupa avo pamuti mukuru weJabheshi uye vakatsanya kwamazuva manomwe. Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha, haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira kumasvikiro kuti atungamirirwe. Haana kubvunza kuna Jehovha. Saka Jehovha akamuuraya akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

1 Makoronike 10:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri; varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa. VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMarikishua, vanakomana vaSauro. Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa, vapfuri vouta vakamubata; akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta. Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire.” Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri. Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati achiona kuti Sauro afa, naiye akazviwisirawo pamunondo wake, akafawo. Naizvozvo Sauro akafa navanakomana vake vatatu; veimba yake yose vakafa pamwechete. Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo. Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokunungura vakanga vaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakafa pagomo reGiribhoa. Vakamukunungura, vakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa vamwari vavo navanhu vavo shoko iro. Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yavamwari vavo, vakasungira musoro wake mumba maDhagoni. Zvino vanhu vose vaJabheshigireadhi vakati vanzwa zvose zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia, mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe. Naizvozvo Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nokuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro, akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

1 Makoronike 10:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, varwi veIsiraeri vakatiza, vaIsiraeri vakarakatiswa kufa kuGomo reGiribhoa. VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana. Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza. Naizvozvo Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako muhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri. Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake akafawo. Uku ndokufa kwakaita Sauro iye navana vake vakomana vatatu navose vemhuri yake vakafa pamwechete. Vanhu vose veIsiraeri vaiva mubani pavakaona kuti vatiza kudaro uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo. Ramangwana racho vaFirisitia pavakaenda kundotora zvaiva pazvitunha vakawana Sauro navana vake vakomana vakati kan'an'a kuGomo reGiribhoa. Vakamukatanura, vakatora musoro wake nedemautare rokuzvidzivirira muhondo naro. Vakatumira nhumwa kunyika yose yevaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kuzvifananidzo zvavo zvokunamata nekuvanhu vokwavo. Vakaisa demautare rake rokuzvidzivirira naro muhondo mumba yavamwari vavo, musoro wake vakauroverera mumba yaDhagoni. Vose vokuJabheshi kwaGireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa nevaFirisitia kuna Sauro, varume vokwavo vose magamba ehondo, vakasimuka vakasvikotora chitunha chaSauro nezvavanakomana vake vakadzokera nazvo kuJabheshi. Vakaviga mapfupa avo pasi pomuti womuoku muJabheshi vakatsanya kwamazuva manomwe. Nokudaro Sauro akafa pamusana pokusatendeka kwake. Paasina kutendeka kuna Tenzi ndeapa pokuti haana kuchengeta mutemo waTenzi uyewo akandobvunzira kune anosvikirwa achitsvaka mazano asingatsvake mazano kuna Tenzi. Naizvozvo Tenzi akamuuraya umambo ndokuhuisa pana Dhavhidhi mwanakomana waJese.

1 Makoronike 10:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa naʋaIsraeri; ʋarume ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paʋaFiristia, ʋakawira pasi ʋaʋurawa pagomo reGirboa. ƲaFiristia ʋakateʋerera Sauro naʋanakomana ʋake kwaɀo, ʋaFiristia ʋakaʋuraya Jonatani, naAbinadabi, naMarkishua, ʋanakomana ʋaSauro. Sauro akakurirwa kwaɀo pakurwa, ʋafuri ʋoʋuta ʋakamuɓata; akatambudzika kwaɀo nokuɗa kwaʋafuri ʋoʋuta. Ipapo Sauro akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɗaɗire. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri. Ɀino muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati aciʋona kuti Sauro wafa, naiye akaɀiwisira ʋo pamunondo wake, akafa ʋo. Naiɀoɀo Sauro akafa naʋanakomana ʋake ʋatatu; ʋeimba yake yose ʋakafa pamŋe cete. Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere pamupata uyo, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋafa, iʋo ʋakabva pamaguta aʋo, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika ʋakagara’mo. Ɀino fume maŋgwana ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋuya kuzokunuŋgura ʋakaŋga ʋaʋurawa, ʋakawana Sauro naʋanakomana ʋake ʋatatu ʋakafa pagomo reGirboa. Ʋakamukunuŋgura, ʋakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakatuma nhume kumatiʋi ose enyika yaʋaFiristia, kundoziʋisa ɀifananidzo ɀaʋo naʋanhu ʋaʋo shoko iro. Ʋakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaʋamŋari ʋaʋo, ʋakasuŋgira musoro wake mumba maDagoni. Ɀino ʋanhu ʋose ʋeJabeshi‐gireadi ʋakati ʋanzwa ɀose ɀakaŋga ɀaitirwa Sauro naʋaFiristia, mhare dzose dzikasimuka, ʋakabvisa citunha caSauro neɀitunha ɀaʋanakomana ʋake ʋakaenda naɀo Jabeshi, ʋakaʋiga mafupa aʋo pasi pomuouki paJabeshi, ʋakaɀinyima ɀokudya mazuʋa manomŋe. Naiɀoɀo Sauro akafa nokuɗa kwokuɗarika kwake kwaakaitira Jehova, ʋuye nokuɗa kweshoko raJehova raasina‐kuceŋgeta; ʋuye nokuti wakatȿaka mano kuȿikiro, kubvunza naro, akasabvunza Jehova; naiɀoɀo wakamuʋuraya, akaisa ʋushe kunaDavidi mŋanakomana waJese.

1 Makoronike 10:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)