Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 12

12
Kudanwa kwaAbhuramu
1Zvino Jehovha akati kuna Abhuramu, “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; 2ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.
3Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza;
unokutuka, ndichamutukawo;
marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.”
4Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani. 5Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womunun'una wake, nepfuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani. 6Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo VaKenani vakanga vari munyika iyo. 7Zvino Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati, “Ndichapa vana vako nyika iyi;” akavakira Jehovha atari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari. 8Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBhetieri, akadzikapo tende rake; Bhetieri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo. 9Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva.
Abhuramu anotamira Ijipiti
10Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo. 11Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, “Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako; 12kana VaIjipiti vachikuona, vachati, ‘Ndiye mukadzi wake,’ vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu. 13Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.” 14Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, vaIjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo. 15Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao. 16Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera.
17Asi Jehovha akatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu. 18Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako. 19Wakarevereiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.” 20Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 12: SUB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda