Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo? Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti:
“Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu;
uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”
uye,
Zvichaitika kuti paya painzi kwavari,
“Hamusi vanhu vangu;
vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti:
“Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa,
vakasara chete ndivo vachaponeswa.
Nokuti Ishe achaisa
mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti:
“Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose
akatisiyira zvizvarwa,
tingadai takaita seSodhomu
tingadai takaita seGomora.”
Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda; asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana. Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu,
nedombo rinovapinganidza kuti vawe,
uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”