Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 10:17-21

VaRoma 10:17-21 BDSC

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.” Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.” Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”