VaRoma 1:29-32
VaRoma 1:29-32 BDSC
Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

