Numeri 24
24
1Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje. 2Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake 3uye akataura chirevo chake achiti:
“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,
chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,
4chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,
anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose,
anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.
5“Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho,
nougaro hwako, iwe Israeri!
6“Semipata, vakaita fararira,
samapindu pedyo norwizi,
segavakava rakasimwa naJehovha, s
semisidhari pedyo nemvura.
7Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo;
mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.
“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi;
umambo hwavo huchasimudzirwa.
8“Mwari akavabudisa muIjipiti;
vane simba renyati.
Vanomedza ndudzi dzine hasha
uye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo;
Vanovabaya nemiseve yavo.
9Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi,
seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?
“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe
uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”
10Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka. 11Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”
12Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti, 13‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’? 14Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”
Chirevo chaBharamu Chechina
15Ipapo akataura chirevo chake akati:
“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,
chirevo chaiye anoona zvakajeka,
16chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,
ano ruzivo runobva kuno Wokumusoro-soro,
anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose,
anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:
17“Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino;
ndinomuona, asi haasi pedyo.
Nyeredzi ichabuda muna Jakobho;
Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri.
Achapwanya huma dzavaMoabhu,
madehenya avanakomana vose vaSeti.
18Edhomu achakundwa;
Seiri, muvengi wake, achakundwa,
asi Israeri achasimba.
19Mutongi achabuda muna Jakobho
uye achaparadza vakasara veguta.”
Zvirevo zvaBharamu Zvokupedzisira
20Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti:
“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi,
asi pakupedzisira achaparadzwa.”
21Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:
“Ugaro hwako hwakachengetedzeka,
dendere rako rakavakwa padombo;
22asi imi vaKeni muchaparadzwa,
Ashuri paachakutapai.”
23Ipapo akataura chirevo chake akati:
“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?
24Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu;
zvichakunda Ashuri neEbheri,
asi naizvowo zvichaparadzwa.”
25Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 24: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.