Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 4:21-34

Mako 4:21-34 BDSC

Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here? Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena. Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu. Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.” Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa. Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.