Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
Verenga chikamu Mateo 24
Terera ku Mateo 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 24:1-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo