Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:25-29

Ruka 10:25-29 BDSC

Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Iye akapindura akati, “Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?” Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ” Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.” Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”