Jeremia 39
39
Kuwa kweJerusarema
1Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore repfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose uye akarikomba. 2Zvino mugore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa. 3Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: Nerigari-Sharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi. 4Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha.
5Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati kwaakamupa mutongo wake. 6Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha. 7Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi.
8VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema. 9Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu. 10Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda.
11Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti, 12“Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.” 13Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wenʼanga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi 14vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake.
15Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, 16“Enda undoudza Ebhedhi-Mereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako. 17Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya. 18Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 39: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.