VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri. Egironi akatora vaAmoni navaAmareki kuti vaende naye kundorwisa Israeri, uye vakatora Guta reMichindwe kuti rive ravo. VaIsraeri vakava varanda vaEgironi mambo weMoabhu kwamakore gumi namasere.
VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu. Zvino Ehudhi akanga aita munondo wakarodzwa kumativi ose uchikarosvika kubhiti rimwe chete pakureba kwawo waakanga akasungira pasi penguo dzake pachidya chake chokurudyi. Akapa mutero kuna Egironi mambo weMoabhu, murume akanga akafuta kwazvo. Mushure mokunge Ehudhi apa mutero, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho vaende. Pazvifananidzo zvaiva pedyo neGirigari iye pachake akadzoka akati, “Ndine shoko renyu rakavanzika, imi mambo.”
Mambo akati, “Nyararai!” uye varanda vake vose vakamusiya.
Ipapo Ehudhi akaswedera kwaari iye agere ari oga muimba yake yapamusoro yomuzinda wake wenguva yezhizha akati, “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari,” Mambo akati achisimuka achibva pachigaro chake, Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo kubva pachidya chake chokurudyi akaunyudza mudumbu ramambo. Kunyange chibato chomunondo chakanyura chichitevera chese, ukandobuda nokumusana kwake. Ehudhi haana kuvhomora munondo, uye mafuta akaputira pamusoro pawo. Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya.
Mushure mokuenda kwake, varanda vakasvika vakawana mikova yeimba yapamusoro yakiyiwa. Ivo vakati, “Anofanira kunge achimbozvizorodza zvake ari mukamuri romukati reimba.” Vakarindira kusvikira vanyadziswa nazvo asi paakarega kuzarura mikova yekamuri, vakatora kiyi vakaikiyinura. Onei ipapo ishe wavo akawira pasi, afa.
Vachakamirira, Ehudhi akaenda. Akapfuura napazvifananidzo akapunyuka akaenda kuSeira. Akati asvika ikoko, akaridza hwamanda ari munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vakaburuka naye vachibva kuzvikomo, iye achivatungamirira.
Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka. Panguva iyoyo vakauraya zviuru zvinenge gumi zvavaMoabhu, vose vakanga vakagwinya uye vane simba; hapana akapunyuka. Zuva iroro Moabhu yakava pasi peIsraeri, uye nyika yakava norugare kwamakore makumi masere.
Shure kwaEhudhi kwakauya Shamuga mwanakomana waAnati, uyo akauraya vaFiristia mazana matanhatu norutanda rwokubaya narwo mombe. Naiyewo akaponesa Israeri.