Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha, uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake, asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa. Kururuma ndiro richava bhanhire rake uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake. Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzi, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira. Mhou ichafura nebere, vana vazvo vachavata pasi pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe. Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure, uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka. Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
Verenga chikamu Isaya 11
Terera ku Isaya 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 11:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo