Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 3:1-6

VaGaratia 3:1-6 BDSC

Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina? Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”