Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 24

24
Hari yokubikira
1Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori. 3Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Gadza hadyana; igadze
ugodira mvura mairi.
4Uise mairi nhindi dzenyama,
nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko.
Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;
5utore gwai rakasanangurwa.
Uise huni pasi payo kuitira mapfupa;
uivirise
ugobika mapfupa imomo.
6“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa,
nehadyana ine ngura, mukati mayo,
ine ngura isingabvi.
Budisai nhindi imwe neimwe
musingakandi mijenya nokuda kwadzo.
7“ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro:
Rakaridururira paruware pasina chinhu;
harina kuriteurira pavhu,
paringafukidzwa neguruva.
8Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva
ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu
kuti rirege kufukidzwa.
9“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa!
Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.
10Saka tutira huni
ugobatidza moto.
Ubike nyama zvakanaka,
uchisanganisa nezvinonhuhwira;
uye urege mapfupa atsve.
11Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe
kusvikira yapisa ndarira yayo yanʼaima
kuti kusachena kwayo kunyauke
uye tsvina yayo itsve yose.
12Zvakunda kushingaira kwangu kwose;
tsvina yayo zhinji haina kubviswa,
kunyange nomoto chaiwo.
13“ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.
14“ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Kufa kwoMukadzi waEzekieri
15Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 16“Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi. 17Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”
18Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.
19Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”
20Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 21Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo. 22Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema. 23Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu. 24Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’
25“Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo, 26pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika. 27Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 24: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda