Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 10

10
Kubwinya kunobva muTemberi
1Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi. 2Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira.
3Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume paakapinda, uye gore rakazadza ruvazhe rwomukati. 4Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakakwira pamusoro pamakerubhi kukaswedera kuchikumbaridzo chetemberi. Gore rakazadza temberi, uye ruvazhe rukazadzwa nokupenya kwokubwinya kwaJehovha. 5Mubvumo wamapapiro amakerubhi wainzwika kusvikira kuruvazhe rwokunze, senzwi raMwari Wamasimba Ose kana achitaura.
6Jehovha akati arayira murume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri. 7Ipapo rimwe ramakerubhi rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto wakanga uri pakati pawo. Akatora mumwe moto ndokuuisa mumaoko omurume akanga akapfeka mucheka wakaisvonaka, iye ndokuutora ndokuenda nawo panze. 8(Pasi pamapapiro amakerubhi paionekwa chinhu chainge maoko omunhu.)
9Ndakatarisa, ndikaona parutivi rwamakerubhi mavhiri mana, rimwe vhiri parutivi rwekerubhi rimwe nerimwe, mavhiri acho aivaima kunge ibwe rekrisorite. 10Pakuonekwa kwawo, mana acho akanga akafanana; rimwe nerimwe rakanga rakaita sevhiri riri mukati merimwe vhiri. 11Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo. 12Miviri yawo yose, pamwe chete nemisana yawo, maoko awo namapapiro awo, zvakanga zvakazara nameso, zvakanga zvakadarowo namavhiri awo ari mana. 13Ndakanzwa mavhiri achitumidzwa zita rokuti “mavhiri okumonereka.” 14Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina: Chimwe chiso chakanga chiri chekerubhi, chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chiso chechitatu chakanga chiri cheshumba, chiso chechina chakanga chiri chegondo.
15Ipapo makerubhi akabhururuka achikwira kumusoro. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakaona ndiri paRwizi rweKebhari. 16Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo. 17Kana makerubhi akamira, iwo aimirawo; uye makerubhi akabhururuka, iwo aisimuka pamwe chete nawo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri maari.
18Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabva pamusoro pechikumbaridzo chetemberi kukamira pamusoro pamakerubhi. 19Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
20Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebhari, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi. 21Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu. 22Zviso zvawo zvakanga zvichiratidzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebhari. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 10: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda