Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 5:8-14

VaEfeso 5:8-14 BDSC

Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) uye muzive zvinofadza Ishe. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.”