2 Madzimambo 25
25
Kuwa kweJerusarema
1Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza. 2Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia. 3Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu. 4Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha, 5asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira. 6Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa. 7Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.
8Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. 9Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha. 10Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema. 11Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi. 12Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.
13Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi. 14Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi. 15Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.
16Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa. 17Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere#25:17 mamita angaita 8.2 . Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatu#25:17 mamita angaita 1.4 uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.
18Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa. 19Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta. 20Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura. 21Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe.
Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.
22Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha. 23Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo. 24Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”
25Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa. 26Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.
Jehoyakini anosunungurwa
27Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri. 28Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi. 29Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake. 30Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 25: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.