Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 2:12-17

2 VaKorinde 2:12-17 BDSC

Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo, ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia. Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake. Nokuti isu tiri kunhuhwirira kwaKristu kuna Mwari pakati peavo vari kuponeswa nevari kuparara. Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri kunhuhwirira kwoupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai? Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.