Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 2:1-11

2 VaKorinde 2:1-11 BDSC

Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai. Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza? Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu. Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri. Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda. Kurangwa kwaakaitwa navanhu vazhinji kwakamuringana. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya. Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari. Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose. Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu, kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.