Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:1-27

Varoma 8:1-27 SCLB

Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo. Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu. Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake. Asi kana Kristu ari mamuri, kunyange miviri yenyu yakafa nokuda kwechitadzo, mweya yenyu mipenyu pamusana poururami. Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi achigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna iyewo Mweya anogara mamuri. Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama. Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona. Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu. Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari.

Verenga chikamu Varoma 8

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neVaroma 8:1-27