“Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti, ‘Maunogara ndinomuziva, mumuzinda waSatani wakaramba wakangoti kwati–kwati nezita rangu. Hauna kukanda pasi chitendero changu kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu. Munhu wangu akatendeka, uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’ Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza. Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi. Nezvo pinduka; pasina izvozvo, ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 2:12-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo